Uncategorized

Makombi adzoka…Tiri kuvasunga: ZRP‘…Nzara ndiyo yatituma

23 Nov, 2020 - 00:11 0 Views
Makombi adzoka…Tiri kuvasunga: ZRP‘…Nzara ndiyo yatituma Asst Comm Nyathi

Kwayedza

Kingstone Mapupu
MAKOMBI ari kutakura vanhu zvisiri pamutemo muguta reHarare nedzimwe nzvimbo ari kuwanda izvo zvine njodzi yekuparadzira chirwere cheCovid-19 uye mamwe acho ave nemahwindo emakadhibhokisi, marata nezvimwe.

Pasi pemutemo wakadzikwa neHurumende nechinangwa chekurwisa Covid-19, makombi nemabhazi anotenderwa kutakura vanhu ndeari kushanda ari pasi pekambani yeZUPCO chete.

Asi zvinoratidza kuti vemakombi vadzoka mumigwagwa zvisinei nekuti vari kuita izvi kunze kwemutemo.

Ongororo yakaitwa neKwayedza muguta reHarare inoratidza kuti makombi akawanda ari kufamba zvisiri pamutemo uye ari kubviswa mahwindo emagirazi achiiswa emakadhibhokisi, zvimapuranga, marata newaya sezvinoitwa pamota dzinotakura mari.

Izvi zvinogona kuisa vanhu vanoakwira panjodzi yekuti kana kombi iyoyo ikaita tsaona, vanenge varimo havakwanise kubuda kana kununurwa sezvavanoita kana iine mahwindo emagirazi ayo anopwanyika.

Vamwe vemahwindi nevatyairi vemakombi aya vanoti vadzingwa kumba nenzara uye havasi kuzorega kufamba kana dai vachibvuma kuti vari kutyora mutemo uye nekuisa upenyu hweruzhinji panjodzi yeCovid-19.

VaThompson Gandawa Garande (38) avo vane makombi anofamba muguta reHarare nekuenda kune dzimwe nzvimbo vanoti hapana zvimwe zvavanogona kuita kunze kwekubvisa mahwindo emagirazi vachiisa makadhibhokisi nezvimwe sezvo ari kupwanywa nemapurisa.

“Hongu, tinozviziva kuti Hurumende haisati yave kutibvumidza kufamba tichitakura vanhu asi zviripo ndezvekuti iri ndiro basa chete ratinaro rinoraramisa mhuri dzedu. Takamiswa nekuda kweCovid-19 kuti isapararire, zvino tave kufa nenzara kudzimba nemhuri,” vanodaro VaGarande.

Vanoenderera mberi: “Ichokwadi kuti vanhu vari kubatwa nechirwere ichi vave kuwanda zvakare panguva ino asi nzara inorwadza kudarika Covid-19. Hatizive kuti tinopaita sei, dai Hurumende yatinzwirawo tsitsi itibatsire nekuti tiri kunetseka kuti tive muchikwata cheZupco tikwanise kufamba zviri pamutemo.

“Fungai kuti vamwe tine motokari dzinokwana gumi dzemakombi dzinofanirwa kufamba asi dzose dzinonzi dzimire kufamba.”

Panyaya yekubvisa mahwindo, vanoti havazokwanisa kuwana imwe mari yekutenga magirazi kana apwanyiwa nemapurisa sezvo makombi avo ari kufamba zvisiri pamutemo.

“Mapurisa vakada kurova nemboma dzavo pasina magirazi apa paine masimbi kana zvimwe, hapana chavanoparadza. Mboma yake ndiyo inogona kutotyoka.

“Asi pane njodzi iripo pamakadhibhokisi kana mapuranga aya, mboma dzavo dzinobhovhokera mukati kana varova dzokuvadza vanhu vanenge vari mukati,” vanodaro VaGarande.

Mukuru wemahwindi muguta reHarare, VaSolomon “Big Solo” Mandela, vanoti ichokwadi kuti vemakombi vadzoka mumaguta ose uye chikonzero chiri chenzara yapfunya zvisero kudzimba kwavo.

“Ichokwadi tadzoka mumigwagwa nekuda kwekuomerwa neupenyu. Chikumbiro chedu kuti dai vakuru vatinzwawo makombi edu adzoka mumigwagwa zviri pamutemo.

“Panyaya yekubvisa mahwindo, ichokwadi tiri kuzviita nekuti apera kupwanyiwa nemapurisa. Hativashore nekuti isu tiri kuita zvinhu zvirisiri pamutemo, asi nzara ndiyo yatibaya kudzoka mumigwagwa kudai,” vanodaro VaMandela.

Mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vanoti makombi anotenderwa kufamba ndeari kushanda ari pasi peZUPCO bedzi.

“Vanhu ngavazive kuti makombi haasati ava kubvumirwa kufamba semutemo wakadzikwa kare wekurwisa chirwere cheCovid-19. Tiri kusunga makombi ose atiri kuona achifamba mumigwagwa zvisiri pemutemo tobva tanoaisa kwatinoachengeta zvachose.

“Tinosunga kubvira kumutyairi, kondakita, hwindi nemuridzi wekombi uye vanoakwira tinosunga zvakare. Iyambiro huru kuvanhu kuti vakaita tsaona varimo, havagone kuripwa kana kurapiswa,” vanodaro Asst Comm Nyathi.

Vanoti mutemo haugone kuregerera munhu apara mhosva nekuti kumba kwake kune nzara sekutaurwa kwazviri kuitwa nevamwe vemakombi ava.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey