Makore 10 mujeri vaviri vaba tambo dzemagetsi

15 Nov, 2024 - 12:11 0 Views
Makore 10 mujeri vaviri vaba tambo dzemagetsi Chiredzi Regional Magistrate Court

Kingstone Mapupu

VARUME vaviri vekuMasvingo vakamiswa mudare rekuChiredzi ndokutongerwa kugara mujeri kwemakore gumi pamumwe nemumwe wavo mushure mekubatwa nemhosva yekuba tambo dzemagetsi dzakareba mamita 100 uye dzichikosha US$2 000.

Martin Kwambura (18) anobva kwaSabhuku Zinyanduko kudunhu raMambo Mabika, kuBikita naEventhough Munangi (18) wekuVillage 1B Dera kuChiredzi vakabatwa nemhosva yekutyora mutemo weSection 60(a) (b) of the Electricity Act Chapter 13.19.

Mutauriri wemapurisa kuMasvingo, Inspector Kudakwashe Dhewa, vanoti nemusi wa7 Mbudzi nguva dzeusiku, Martin Kwambura, Eventhough Munangi naMisheck Chihanga, uyo asati abatwa, vakaronga kunoba tambo yearmoured cable kubva patransformer ye100 KV yeZETDC panzvimbo yemabhizimisi yeChikwirira.

Nzvimbo yemabhizimisi iyi iri padyo neManjirenji kuChiredzi uye tambo idzi dzaiendesawo moto kuchikoro cheChikwirira Primary, Chikwirira Clinic nekudzimba dzemuChikwirira Business Centre.

Inspector Dhewa vanoti makororo aya akatora mukana wekudzimwa kuri kuitwa magetsi mazuva ano ndokuenda patransformer iyi vakashandisa bolt cutter kudambura tambo yemagetsi yaiva yakareba mamita 100 yaitora moto kubva patransformer kuendesa munzvimbo iyi.

“Makororo aya vaba tambo iyi, vakabva panzvimbo iyi vasina kuonekwa. Humbavha uhu hwakazoonekwa rechimangwana racho nyaya iyi ichibva yamhan’arwa kumapurisa eZRP Chiredzi nekukambani yeZETDC Loss Control. Mapurisa nenyanzvi dzekambani iyi, vachibatsirana neruzhinji, vakatevedza tsoka dzemakororo aya kunosvika pamba paKwambura,” vanodaro Insp Dhewa.

Kwambura akabvunzurudzwa nezvenyaya yekubiwa kwetambo idzi achibva abvuma ndokusungwa uye akadurawo vamwe vake vanosanganisira Munangi naChihanga.

“Martin Kwambura akazotungamirira mapurisa kumba kwaEventhough Munangi uyo akabvawo asungwa. Vakazoendawo kumba kwaMisheck Chihanga asi vakasvikomushaya, mapurisa vakasecha mumba make vakawana tambo yemagetsi yakapiswa yakareba mamita 100 iyo inokosha US$2 000,” vanodaro Insp Dhewa.

Kwambura naMunangi vakazopinda mudare reChiredzi Regional Magistrates Court nemusi wa9 Mbudzi vachibva vapihwa mutongo wekugara mujeri kwemakore gumi pamumwe nemumwe wavo.

Insp Dhewa vanotenda veruzhinji nekuramba vachishanda nemapurisa mukufumura mhosva dzakatsaukana mudunhu ravo reMasvingo izvo zviri kuita kuti vapari vadzo vakawanda vasungwe.

“Semapurisa, tiri kukumbira kuruzhinji kuti vatibatsire tikwanise kusunga mumwe wechitatu mumhosva iyi, Misheck Chihanga, kuti agoenda kumatare edzimhosva agotarisanawo nechirango chake,” vanodaro Insp Dhewa.

Share This:

Sponsored Links