Makore 12 achikanda hwema . . . apa anoenda kuchimbuzi kamwechete pamwedzi

28 Jun, 2024 - 13:06 0 Views
Makore 12 achikanda hwema . . . apa anoenda kuchimbuzi kamwechete pamwedzi Elias Mushamainza

Kingstone Mapupu

MURUME ane makore 40 ekuberekwa wekwaMambo Mutasa, kuManicaland, anoti ane dambudziko rekunhuhwa muviri wake kudarika zvinhu zvakawora kwemakore 12 adarika izvo zvakonzera kuti asemwe neruzhinji nekudzingwa nevanhu pose paanoenda.

Kwayedza yakaita hushingi nekutsungirira kunosvika pamurume uyu kuti ikwanise kuita hurukuro naye nekuda kwedambudziko rake apo mutori wenhau uno aikachidzwa negutukutu remweya unonhuhwa waibuda mumuviri wake.

VaElias Mushamainza, vemubhuku raMariya, kuWatsomba, avo vakawanikwa vagere voga, vanoti dambudziko rekunhuhwa iri rakatanga mugore ra2012 apo vakarwara nemudumbu muchifamba zvinhu zvaisanzwisisika.

“Dambudziko iri rakatanga muri mudumbu ndichirutsa muchifamba zvinhu, ndikaenda kumachiremba nemaporofita uye nekuzvipatara muno nekuSouth Africa kwandinoshanda asi hapana chakabatsira,” vanodaro VaMushamainza.

Murume uyu anoti dambudziko iri ramukonzera kusemwa neruzhinji zvekuti haagone kuwana basa kana kugara pane vamwe vanhu.

“Pakatanga dambudziko iri mugore ra2012, ndakabvawo ndava kutadza kuenda kuchimbuzi. Ndinogona kuita mwedzi ndisingaende kuchimbuzi asi ini ndichidya chikafu chakawandisa zuva nezuva. Ndinozongoenda kamwe chete, pamwe mushure memasvondo mashanu kana matanhatu apo ndinoita tsvina yakawandisa zvikuru yakaita seyenzou,” vanodaro.

Kunze kwekunhuwira vamwe vanhu, murume uyu anoti anozvinhuhwirawo zvakanyanya zvinomupa kurutsa chikafu chaanenge adya.

“Ndinogeza kaviri kana katatu pazuva ndichida kuti mweya wekunhuhwa uyu ubve pandiri asi hapana chinobatsira. Sipo dzinonhuhwirira ndidzo dzandinoshandisa, ndichizvimwayawo mapefiyumu pasina chinobatsira.”

VaMushamaenza vanoti vakasvika pane vanhu vanotanga kutaramuka vava kutiza mweya uyu.

“Ndashaya rugare nekuda kwedambudziko iri, handina wandinogona kuita naye nyaya sezvamuri kuita izvi. Handizive kuti imi chivindi machiwana kupi chekusvika padyo neni. Mudzimai wandaiva naye akanditiza zvose nevana vashanu nekuda kwedambudziko irori,” vanodaro.

Murume uyu anoita basa rekugadzira migomo nemapoto nezvimwe kubva mumarata achitengesa kuLimpopo Province, kunyika yeSouth Africa, asi kunhuhwa uku kwamudzosera kumashure mubasa rake.

“Basa iri rekugadzira migomo nemapoto uchitengesa kuSA rine mari, kwandiri hapana chinobuda nekuti ukashevedzwa nevanoda kutenga vakangonzwa kunhuhwa vanofunga kuti wazviitira tsvina votobva pauri. Saka ndakadzoka kuno kumusha kuti ndizobatsirwa.”

Vanoti mumakombi chaimo kana mumabhazi vakangokwira vanhu vanotanga kubvunzana kuti chii chiri kunhuhwa zvinoita kuti vaburutswe.

“Kufamba kwangu kwese ndinototsvaga kukwira marori kana zvimapick-up apo ndinogara kumashure kuti vanhu vasanzwe kunhuhwa kwangu. Ndakambopinda basa murestaurant kuSouth Africa ndikabuda nekunhuwira vamwe vandaishanda navo nemakasitoma,” vanodaro VaMushamainza.

Dr Enock Maidah

Dr Enock Maidah vechikamu chezvetsvakurudzo kuUniversity of Zimbabwe (UZ) vanoti murume uyu anofanirwa kuenda kumachiremba akadzidzira basa onovhenekwa kuti chii chingadaro chichiitika mumuviri wake.

“Dambudziko rekubuda hwema mumiviri yevanhu ririko uye rinorapika kuchitevedzwa hunyanzvi hwanachiremba vakadzidzira basa, ngaaende kuchipatara anobatsirwa,” vanodaro Dr Maidah.

VaPasipanodya Mushore Kawanzaruwa (72) vekuNharira, kuNorton vanoti pachivanhu dambudziko rekunhuhwa kwemiviri rakagara ririko.

“Kunhuhwa kwemuviri pamunhu kunodaidzwa kuti hudzi, chirwere chinorapika kune vanoziva. Hongu, kune zvimwe zvekuroiwa asi dambudziko iri ririko,” vanodaro VaKawanzaruwa.

N’anga VaGift Muzanenhamo kana kuti Sekuru Tasvu vanoti dambudziko rina VaMushamainza rinogona kunge riri hudzi kana kukonzerwa nekuroiwa asi rinokwanisa kugadzirika nekubatsirwa nenyanzvi dzechavanhu.

Share This:

Sponsored Links