Makore 14 achigara mu’ceiling’

22 Nov, 2022 - 13:11 0 Views
Makore 14 achigara mu’ceiling’

Kwayedza

Arron Nyamayaro

MUKADZI wekuZengeza, kuChitungwiza akaita mazuva mashanu achigara nechitunha chemurume wake mumba, icho chainge chatowora.

Mwanakomana wake, uyo anongozivikanwa saGrant, anonzi anga achigarawo mukati medenga remba (mu”ceiling”) kwemakore 14 adarika.

Vavakidzani vemhuri iyi vanoti vakapedzisira kuona Grant makore anodarika gumi nemaviri apfuura.

Pamusoro peizvi, Gogo Mahlahla vange vave nemazuva vachigara nechitunha chemurume wavo mumba.

Gogo Mahlahla

“Taimboona Grant makore 14 apfuura uye pashure paizvozvo Gogo Mahlahla ndivo voga vataiona.

“Taivaona vachibuda nekudzoka vakatakura bhegi ravo vakapfeka nguwo dzekuchechi.

“Vamwe vana vavo vanogara kunze kwenyika.

“Murume wavo akapedzisira kuonekwa ari pawiricheya makore mashanu adarika,” anodaro mumwe muvakidzani wavo.

Gogo Mahlahla vakamhan’ara nyaya yerufu rwemurume wavo kumapurisa uye mapurisa akawana mutumbi wacho watowora.

Vakaridzira nhare mapurisa eHomicide kuti vauye panzvimbo iyi. Mapurisa akatsvaga vamwe vanhu vakauya kuzovabatsira kuti vabvise Grant kubva mudenga remba.

Vaityira kuti Grant anogona kuita mhirizhonga sezvo aive asiri kupindura mibvunzo kubva kumatikitivha.

Gogo Mahlahla vanoti vakaroorana nemurume wavo, uyo ava mushakabvu, ndokuita vana vashanu vose.

Grant ndewechina pakuzvarwa uye ane makore 39 okuberekwa.

“Ndakapinda chechi mushure mekunge ndaona kuti mweya yetsvina yaishungurudza mhuri yangu,” vanodaro Gogo Mahlahla.

“Murume wangu akarwara akaoma mitezo muna1992 uye anga ari pawiricheya kusvikira afa.

“Murume wangu airamba kundiperekedza kuchechi kuti tinobatsirwa nemaporofita maringe nezvinhu zvainetsa mhuri yedu.

“Ndakaudzwa kuti Grant ndiye akadirwa mamhepo ose. Ndiye akandiparadzira midziyo yose inosanganisira muchina wekudziisa mvura (gyser), terevhizheni neredhiyo. Ane mweya yetsvina,” vanodaro.

Zvisinei, Gogo Mahlahla vakaramba kupindura kuti sei vakagara nechitunha chemurume wavo kwemazuva mashanu mumba.

Share This:

Sponsored Links