Makore 2 ‘muvheti’ achigara ‘mudendere’

26 Sep, 2022 - 11:09 0 Views
Makore 2 ‘muvheti’ achigara ‘mudendere’

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MURUME wechichena anoti asvitsa makore maviri achirarama upenyu hunoshamisa zvichitevera kuvaka kwaakaita imba kana kuti “dendere” remachira nematende mumuti munova maanorara nekutandarira munhandare yemitambo yepachikoro cheAvondale Primary School, kuAvondale muHarare.

Paul Ray Garry Flight (58), uyo anoti akaberekerwa kwaRusape, anoti ave kusvitsawo gore asina kugeza uye kutambudzika ndiko kwakamutuma kuvaka imba mumuti yakangofanana nedendere reshiri iya inonzi kondo.

Pakashanyira Kwayedza murume uyu, vatori venhau vakasvika vachishevedzera vachifunga kuti aisavapo apo akazodavira nehasha achibvunza kuti ndiyani aida kumuona panguva iyo aiva akazorora zvake akarara mudendere riri kuhutozotozo hwemuti iri. Muimba yedendere iyi ndimo munogara mbatya, magumbeze nezvimwe zvose, kusanganisira ndiro nemapoto.

Flight anoti anoona akasununguka kugara mumuti sezvo pasina munhu anomunetsa.

Garry Ray Paul Flight

“Ndakamboshanda kune rimwe bepanhau (magazine) ndiri printer, basa rikapera kambani yabhuroka. Ndakagara muHarare kusvikira ndakazoenda kunyika yeSouth Africa mugore ra2011 uko ndaigara mumigwagwa.

“Nekuda kwedenda reCovid-19, ndakazofamba netsoka kubva kuSA kudzoka kuno kumusha, ndipo pandakauya ndichisvikovaka imba yangu mumuti umu nekuda kwekushaya mari yerendi,” anodaro Flight.

Anoti asvitsa makore maviri achigara muimba yake yemumuti iyi iyo yaanoti haina njodzi sezvo achiti bazi remuti raakavakira harimbofa rakatyoka zvichitevera mavakiro aakaita. Obvunzwa neruzivo rwekuvaka dendere iri, anoti zvakangofanana nezvinoitwa nemauto kana magame scouts izvo zvaanoti hazvisi zvitsva.

“Ndakadzidziswa zvehondo saka hazvindinetse kuvaka imba yakadai, ndizvo zvinoitwa muhondo,” anodaro Flight.

Anokwira mumuti uyu achimhanya setsoko kunopinda mumba make umu, zvimwe chete nekuburuka ari chahwiriri uye pasina kudonha.

Anoti sezvo asina chimbuzi, anoburuka pasi kunozvibatsira kana kuzvipedzera arimo mumuti.
Mumwe mushandi wepachikoro cheAvondale Primary, uyo asina kuda kubuditswa nezita rake, anoti nzvimbo iyi inova iri munhandare inoitirwa mitambo nevana vechikoro yatova muzinda wetsvina nekuda kwaFlight.

“Murume uyu ava nenguva achigara muimba yake yemumuti uyu munhandare yechikoro chedu. Anowetera nekuitira tsvina munhandare yedu nekuti haana chimbuzi uyewo anozvibatsira vana vechikoro vachiona zvinopa pwere pfungwa dzakaipa.

“Tinotyirawo kuti anoguma abata vanasikana chibharo,” anodaro mushandi uyu.
Mumwe murume akangozviti Tafadzwa anotengesa zvekudya pedyo nepachikoro ichi anoti Flight anoratidza kuti akagwinya muviri wake sezvo achiita mitambo yekuzvisimbisa.

“Akasimba murume uyu, anomuka mangwanani otanga kuita mitambo yekusimbisa miviri yemapress-ups. Anokwira mumuti umu nekudzika pasina dambudziko, akasimba,” anodaro Tafadzwa.

Flight anoti anobika bota nguva zhinji nekumwe kudya pasi pemuti izvo zvaanopemha kune vamwe vanhu. Anoti baba vake vainzi Phillip Henry Flight avo vakashaika uye amai vake, Shirley Lister, vakashaya zvakare.

“Dambudziko rangu rakatanga ndiri mudiki apo baba vangu vakaramba amai vangu vaine nhumbu yangu kusvikira amai vakazosununguka. Vakazoenda neni kune imwe chechi muno uko vakatanga kugara nekunamata ndichibva ndazochecheudzwa zvekumanikidzwa ndikabva ndaita ngomwa.
“Kune mumwe murume akazouya kuchechi uku akanditora kundiita mwana wake uko ndakazogara nemhuri iyi kusvikira ndakura,” anodaro.

Anoti akazotsvaga baba vake akura, murume akanga amutora uyu afa, ndokuzoziva kuti vaiva Phillip Henry Flight.

“Handizve kuti vanhu ava kundichecheudza chaiko here kwavakaita kana kuti vakandibhadhiza kundiita jon’asi nekuti handina kuzombonzwa kuda vakadzi kana kuroora. Handina kumboita mudzimai kana vana, ndingori ini uye handina hama muno.

“Vandinoti hama muno mudzimai wekupedzisira wababa vangu anonzi Carmalita Flight avo ndisingazive kwavari.”
Flight anoenderera mberi achiti, “Ndine vemachechi vanondibatsira nembatya, kudya nezvimwe asi haisi nguva yose yavanondibatsira. Hama dzangu ndimi muri muno muZimbabwe, handisisina kana imwe hama kunze kwemumwe chete ari kuLondon.

“Ndiri kutsvaga basa rose-rose, ndibatsireiwo. Ndinoda kufamba netsoka kuenda kuKariba uko ndakanzwa kuti kune basa rekubata hove. Ukuwo kana mbatya handina, bhutsu ndinopfeka saizi 10.”

Anoti ava kusvitsa gore asina kugeza kana kuwacha nekushaya mvura nesipo zvekuzvishambidza.
Obvunzwa nyaya yekuti vamwe vanhu vanomuti anorwara nepfungwa, anoti: “Handipenge ini, asi dambudziko rangu inhamo yakandiwandira chete.”

Mapazi emuti uyu anoita seachanzvenzvera tambo dzemagetsi dzinodarika nepo izvo zvinoisa murume uyu panjodzi huru.

 

Share This:

Sponsored Links