Makore 20 mujeri abata mwana (10) chibhahro

10 Dec, 2022 - 11:12 0 Views
Makore 20 mujeri abata mwana (10) chibhahro Dare

Kwayedza

Luthando Mapepa

MURUME wekuChipinge nemusi weChitatu wadarika akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 20 nemhosva yekubata chibharo mwanasikana wake ane makore gumi okuberekwa.

Murume uyu, uyo asingakwanisi kudomwa zita rake senzira yekuchengetedza mwana waakamhirizhonga uyu, anobva mubhuku raMaadza, kudunhu raMambo Musikavanhu.

Akamiswa pamberi pemutongi VaNoel Mupeiwa vedare reChipinge Magistrate Court nemhosva yechibharo.

Mwana uyu aigara nemumwe mufundisi uyo akamutora mushure mekunge baba vacho vangomusiya achirarama sachenzira apo vakarambana naamai vake.

Murume uyu akaramba mhosva iyi asi akarovererwa neumboo hwakange huripo.

Vachitura, mutongo wedare VaMupeiwa vanoti murume uyu anokodzera kupihwa chirango chekugara mujeri kwenguva refu, ndokumutemera makore 20 ari mutirongo.

Muchuchisi VaThemba Dhliwayo vanoti pazuva risingazivikanwe mumwedzi waChivabvu, mwana uyu akawanikwa achingomberereka munzvimbo yemabhizimisi yeMaronga Business Centre.

Anonzi akazoonekwa naPastor Elliot Mangwayana vechechi yePentecostal Assemblies of Zimbabwe (PAOZ) vakaita tsiye nyoro ndokumutora vakanogara naye kumba kwavo.

“Nemusi wa2 Mbudzi, murume uyu akazoshanyira mudzimai waPastor Mangwayana, Mai Batsirai Mashava-Mangwayana, achiti aida kuona mwanasikana wake. Anonzi akataurira Mai Mangwayana kuti aida kutengera mwana uyu hove kunzvimbo yemabhizimisi yeChibuwe.

“Murume uyu akataurira Mai Mangwayana kuti aizodzosa mwanasikana uyu zuva rakarero. Vari mumugwagwa vachienda kunzvimbo yemabhizimisi yeChibuwe Bussiness Centre, vakadarika nemuchisango apo baba ava vakabata chibharo mwana uyu kamwe chete.

“Mwanasikana uyu akachema kuti abatsirwe apo baba ava vakamuvhundutsira kuti vanogona kumuuraya,” vanodaro VaDhliwayo.

Vanoti baba ava vkszoenda nemwana uyu kumba kwavo uko akanorara.

“Murume uyu akanobata mwanasikana uyu chibharo zvakare vari kumba ikoko. Nemusi wa3 Mbudzi, murume uyu akazodzosa mwana kumba kwaPastor Mangwayana. Vari mumugwagwa, akabata mwana uyu chibharo zvakare,” vanodaro VaDhliwayo.

Nyaya iyi yakazobuda pachena apo Mai Mangwayana vakabvunza mwana uyu kuti sei akanga asina kuzodzoka zuva rakadarika sekuvimbisa uko kwakanga kwaita baba vake.

Akataura zvose zvakaitika achibva azoperekedzwa kuenda kunomhan’ara nyaya iyi kumapurisa epaChibuwe ZRP Police Post.

Vachitaura mudare, Mai Mangwayana vanoti vakaona mwana uyu achitsvaga zvekudya mumabhini.

“Musikana uyu aigara achiuya kuzotsvaga zvekudya mumabhini ekumba kwedu apo murume wangu akandikurudzira kupa mwana uyu chikafu. Takazobvumirana kugara nemwana uyu,” vanodaro Mai Mangwayana.

“Nemusi wa2 Mbudzi, baba vemwanasikana uyu vakazokumbira kumbomutora kuenda naye panzvimbo yemabhizimisi yepadyo vachiti vaida kumutengera hove. Vakati vaidzodzoka zuva iroro, tichibva tabvumidza mwana kuenda navo.

“Mwana akazodzoka mangwana acho achitadza kufamba zvakanaka ndikataura naye akabuda pachena kuti aiva abatwa chibharo nababa vake,” vanodaro Mai Mangwayana.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>