Prosper Dembedza
MURUME wemuHarare ane makore 39 okuberekwa akatongerwa kugara mujeri kwemakore 20 mushure mekuwanikwa aine mhosva mbiri dzekubata mwanasikana wemudzimai wake chibharo.
Mukupa mutongo wavo, mutongi wedare reHarare Magistrates Courts — Mai Fadzai Mtombeni — vakati pakange paine umboo hwakazara hunoroverera musungwa pamhosva idzi.
Muchuchisi Blessed Songoza vakaudza dare kuti pazuva risingazivikanwe asi gore ra2014 rava kunopera, murume uyu aidzidzisa mumhan’ari nehanzvadzi yake kushambira.
Akatanga kubata-bata mazamu omumhan’ari uye nhengo dzakavandika.
Pamhosva yechipiri, dare rakanzwa kuti musungwa akaenda mukamuri inorara mumhan’ari ndokupinda mumagumbeze ake.
Mumhan’ari paakamuka, akabva avharwa muromo nemusungwa nerumwe ruoko ndokubatwa chibharo.
Mugore ra2015, musungwa uyu aipota achitakura mumhan’ari kuenda nekudzoka naye kuchikoro achishandisa kombi yake.
Panguva iyi, musungwa aibata mumhan’ari chibharo.
Rimwe zuva munaKurume 2022, mumhan’ari akarwara ndokutsvaga rubatsiro rwemusungwa.
Dare rinoti musungwa akati aende naye kuMasvingo kunoona chiremba.
Vari kuMasvingo, hama dzavaigara nadzo dzakabva ndokuenda kuHarare vachisiya vaviri ava vari voga.
Musungwa akatora mukana uyu ndokubata mumhan’ari chibharo kana.
Imwe nguva munaKubvumbi 2022, mumhan’ari akazodanana nemumwe mukomana ndokumuudza nyaya yake yekubatwa chibharo.
Mukomana uyu akaudzawo mukoma wemumhan’ari nyaya iyi zvakaita kuti aende ndokubvunza musungwa.
Mukomana uyu akazoperekedza mumhan’ari kuZRP Highlands kunomhan’ara kumapurisa, zvakazoita kuti murume uyu asungwe.