Makore 50 mujeri vaba mombe

21 Dec, 2018 - 00:12 0 Views
Makore 50 mujeri vaba mombe

Kwayedza

Fortunate Gora ari kuCHINHOYI
VARUME vaviri vekwaZvimba vekubatwa nemhosva yekuba mombe nomwe munharaunda vakatongerwa kunodya sadza remahara kujeri kwemakore makumi maviri nemashanu pamumwe nemumwe wavo nedare reChinhoyi Magistrate Court. Earnest Muringayi (26) anogara kwaKutama naContastine Tau (39) wokwaMusarurwa havana kubvuma mhosva dzavo apo vakamiswa pamberi pemutongi Brenda Dhliwayo kunyangwe zvazvo vainge vakabatikidzwa nemapurisa musi wa29 Gumiguru vachivhiwa mombe yekuba.

“Mombe yataivhiya yaive yedu nemombe dzose dzatiri kunzi takaba dzaive dzedu, hatisi mbavha isu,” anodaro Muringayi.

Varume ava pavakapihwa mukana wokukumbira kurerutsirwa mutongo mushure mekunge vaonekwa kuti vaive nemhosva, vose vakachema-chema kuti mutongo urerutswe vachiti ndivo variritiri vemhuri dzavo.

“Ini ndini ndinochengeta mudzimai nevana vangu saka ndikapedza makore akawanda ndiri mujeri, pandinozobuda ndinowana mhuri yangu yafa nenzara,” anodaro Muringayi.

Tau anotiwo, “Ndinochengetawo hanzvadzi yangu inorwara, ndinokumbirawo kurerutsirwa mutongo.”

Pakupa mutongo, mutongi Dhliwayo anoti vaviri ava vanoratidza kuti inhunzvatunzva mushure mokunge vabatwa nemapurisa vachivhiya mombe asi voshinga kuramba mhosva dzavo vachipedzera dare nguva.

Mutongi anoti nekudaro vanofanira kuwana mutongo wakakura kuitirawo kuti dzimwe nhubu dzakaita saivo dzitye kupara mhosva dzerudzi urwu.

“Vanhu vava kugara vachingotya kubirwa nemi munharaunda dzavo saka murango wenyu unotokura kuitira kuti vamwe vadzidze,” vanodaro.

Muchuchisi Cuthbert Kujinga akaudza dare kuti nemusi wa29 Gumiguru, Muringayi naTau vakapangana zano rokunoba mombe tsvuku ine nyanga dzakatarisa mudenga yaive yaRuth Husa mudanga rake uyo anogara kwaMusarurwa kwaZvimba kwakare.

Vaviri ava vakatinhira mombe iyi kumunda waMuringayi uko kwavakanoivhiya apo vakazobatikidzwa nemapurisa vari mubishi kuivhiya mushure mekunge Husa amhan’ara.

Mukuferefeta kwemapurisa, akabva aitawo mahwekwe nemamwe matehwe masere emombe dzakabiwa kare aive akachererwa mumunda waMuringayi.

Munda uyu waive wakazara makomba makomba nenyanga dzemombe dzaichererwawo pasi zvakare. Vamwe vamhan’ari vatanhatu vemombe dzakabiwa vakazopawo huchapupu hwavo mudare izvo zvakazoita kuti Tau naMuringayi vatongerwe mhosva dzekuba mombe dzinokwana kuita nomwe.

Share This:

Sponsored Links