Makore manomwe asingagezi

07 Jul, 2022 - 11:07 0 Views
Makore manomwe asingagezi Madzibaba Aaron

Kwayedza

Kingstone Mapupu

KUNYANGWE zvazvo paine mashoko anoti hutsanana hunoswededza vanhu pedyo naMwari, mumwe muporofita wechechi yeJohane Masowe Nyenyedzi Nomwe inozivikanwa nekuti yeNguwo Tsvuku, ari kuti akaita makore manomwe asingageze muviri wake semhiko yaanoti akapihwa nemweya mutsvene.

VaJustin “Madzibaba Aaron” Makuba (44), vanobva kwaMambo Dzoro kuZaka, kuMasvingo — avo vane sowe ravo kwaMambo Nematombo kuHurungwe — vanotiwo vakapedza makore mana vari kune imwe nzvimbo “yepasi uko ndaigara nenjuzu”.

Muporofita uyu anoputa bute nekuita zvose zvemidzimu nezvaMwari. Madzibaba Aaron vanofamba netsvimbo dzavo mbiri, imwe yacho inoita kunge zibango rakareba mamita anogona kusvika mana.

“Ndakabatwa nemweya mutsvene ndiri mudiki ndichibva ndatanga kutevedza mativi mana apo ndakazosandurwa mararamiro angu ndokuenda kunyika yepasi uko ndakanogara makore angangosvika mana.

“Ndiri ikoko, ndaigara nenjuzu nevamwewo vanhu vaitaura mitauro yose yepasi pano.

“Taidya hove mbishi, madhaka, sora rinonaka senzimbe, tsanga nezvimwe zvakawanda. Ikoko taigara tisina kupfeka, pasina anonyara mumwe, hazvina mhosva kuti madzimai kana varume. Asi hakuitwe chehupombwe kana kuroorana,” vanodaro Madzibaba Aaron.

Vanoti nzvimbo iyi haivakwe dzimba uye hakubude zuva zvisinei kuti kunogara kuine chiedza nguva dzose.

“Ndakazoenda kunogara kunyika itsva iyi ndamboroora ndikasiya mudzimai nevana 4. Izvi zvakakonzera mudzimai wangu kusara achitorwa nemumwe murume, izvo zvava kupa vana vangu kutambura.

“Taigara mumapako kusvikira ndazodzoka ikoko ndava nendebvu refu nevhudzi hombe zvinova zvakaita vanhu vose variko. Chinoshamisa ndechekuti kunzvimbo iyi kunogarwa nenyoka dzisingarume vanhu, taipesana nadzo dzichiuya kuzorara panzvimbo imwechete nesu.”

Madzibaba Aaron vanoti kunzvimbo iyi kune michero yakawandisa inodyiwa nevanhu pamwechete nemhuka dzesango.

“Tupukanana twemumvura twunodyiwawo zvakare chinova chikafu chinodiwa zvakanyanya nevanhu vanogara kunzvimbo iyi. Pandakadzoka, ndaingoona zvemadzengerere ndisingaone zvakanaka kusvikira ndazojairira zvekuno.

“Kunzvimbo iyi hakuna kuroorana kana kupfimbana uyewo vanhu variko havachembere kana kurwara,” vanodaro.

Madzibaba Aaron vanoti vadzoka kunzvimbo iyi, vakasangana nemwana wavaisaziva akavaudza kuti aiva atumwa kuti avagere vhudzi izvo vakabvuma.

“Mwana uyu akandigera vhudzi zvose nendebvu ndokunoricherera pasi pemuhacha zvandisina kuziva kuti zvairevei. Ndipo pandakapihwa mhiko dzekuti ndinofanirwa kugara makore manomwe ndisingageze, ndichifamba kumativi mana ndichinopinda mumapako.

“Chinoshamisa ndechekuti panguva yandakapedza ndisingageze iyi handina kumbobvira ndakaita mondo yetsvina zvekuti ndainhuhwa sezvo ndaigara ndichitoita sendaigeza mazuva ose. Ndaitopeny’a,” vanodaro.

Vanoti mushure mekupedza chitsidzo chekunzi vasageze, vakazodzoka kusowe ravo vasimba pamweya izvo zvavanoti zvinoita kuti vaoneswe zvakavanzika mukurarama kwavo. Vanoti vakazoroorawo mudzimai wechipiri asi akaenda zvakare nekuda kwekuti havagare pasi nekufamba vachishandira vanhu.

“Mudzimai wechipiri ndakaita naye vana vaviri akaenda zvakare. Handina nguva yekugara navo ndichifamba kumativi mana. Mhiko yekunzi ndisageze yakadarika, iye zvino ndava kugeza.

“Chechi yedu yaitungamirirwa naMutumwa Micho avo vakashaika asi tinotenda kuti vakatisiira masimba. Chechi yedu inosanganisira zvemashavi, midzimu nemweya mutsvene. Tinoshandisa bhaibheri nebute nekuti mumaonero edu, Mwari nemidzimu hapana pazvinosiyana.”

Madzibaba Aaron vanoti vanosvitsa midzimu nekuitawo zvinoda mweya mutsvene panguva imwe chete.

“Dambudziko rangu, pose pandinosvika vanhu vanoungana parenje kana kuti parushanga pangu ndichivabatsira pachena nekudaro panoita kuvengwa kwangu nevamwe izvo zvakakonzera kuti ndipisirwe masowe andainamatira kuMapinga nekuMakande.

“Asi nesimba revadzimu neraMwari, hazvikundike, ndiri kufambira mberi ndichibatsira vanhu,” vanodaro Madzibaba Aaron.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey