Makore matatu mujeri amitisa mwana (12)

22 Mar, 2023 - 23:03 0 Views
Makore matatu mujeri amitisa mwana (12) Dare

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

MURUME ane makore 33 ekuberekwa wekuChitungwiza anobvuma mhosva yake yekubata chibharo mwana ane makore 12 nemwedzi gumi yekuberekwa kanokwana katatu akamupa mimba achiti vakaita izvi mukubvumirana nekamwana aka.

Mutongi wedare reChitungwiza Magistrate’s Courts, Gloria Takundwa, vapa Farai Choga wemubhuku raVera, kwaSeke, chirango chekugara mujeri kwemakore mana.

Vazomubvisira gore rimwe chete pachirango ichi nechitsidzo chekuti haafanire kupara imwe mhosva yerudzi urwu makore mashanu asati apfuura zvichireva kuti achapika makore matatu azere.

Muchuchisi Pamela Dzinduwa audza dare kuti muzuva risingachazivikanwi nedare asi muri munaGunyana gore rino, mwana uyu akaenda kunochera mvura pamba pemuvakidzani wavo uyo akabva atanga kumupfimba asi iye ndokuramba.

Anonzi akabva azoshandisa chisimba ndokumubata chibharo. Akadzokorora kuita izvi mumazuva akatevera, pamwe pacho ndokupa mwana uyu $400 sevharamuromo.

Mwana uyu ari kuita Grade 6 pachimwe chikoro chiri muChitungwiza.

Tete vemwanasikana uyu ndivo vakazoona kuti ava nepamuviri, nyaya ichibva yamhan’arwa.

Magwaro ekwachiremba akavheneka mwana uyu aburitswa mudare seumboo.

Choga atongwa nemhosva yechibharo pasi pemutemo weSection 70 (Rape) as Defined by the Criminal Codification Act Chapter 9:23.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey