Makororo ane pfuti aba US$46,3k pachitoro

28 Nov, 2024 - 16:11 0 Views
Makororo ane pfuti aba US$46,3k pachitoro Inspector Kudakwashe Dhewa

Kingstone Mapupu

MAKORORO aive akapakata pfuti akaba US$46 349 neZAR$924 100 pane chimwe chitoro chiri mubhizimisi rekupa nekutumira mari kwaNgundu, kuMasvingo.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMasvingo, Inspector Kudakwashe Dhewa, vanoti nyaya iyi yakaitika nemusi wa24 Mbudzi nenguva dza6 zuva rodoka apo mushandi wepachitoro ichi akanga apedza basa ava kuenda kumba.

“Makororo mana aiva nepfuti duku dzemapistols vakasvika pamushandi wepachitoro chinopa nekutumira mari kwaNgundu uyo akanga ava kuenda kumba ndokumutaurira kuti adzokere mubasa make umo vakasvikomumanikidza kuvhura sefa yemari vachibva vaba US$46 349 neZAR924 100. Vakatora mari iyi vakabva vatiza ndokuenda kusina anoziva,” vanodaro Insp Dhewa.

Vanokurudzira vanhu vangangodaro vaine mashoko ane chekuita nenyaya iyi uye vane ruzivo rwezvemakororo aya kuti vazivise chero mapurisa ari padyo navo.

“Tinokurudzira ruzhinji kune vanoziva nezvenyaya iyi kuti vataurire mapurisa ose-ose munyika kuitira kuti makororo aya abatwe,” vanodaro Insp Dhewa.

Vakakurudzirawo vemakambani pamwechete nevezvitoro vari mubhizimisi rezvemari kuti vaise vashandi vanochengetedza avo vanenge vakapakata.

Share This:

Sponsored Links