Uncategorized

Makunakuna ehanzvadzi mbune . . .Bhudhi (24) nasisi (16) Mugumbeze rimwe ‘. . . handaifunga kuti sisi angabata mimba’

01 Mar, 2019 - 00:03 0 Views

Kwayedza

Kingstone Mapupu
NYAYA yekusiya vanakomana nevanasikana vabva zera vachirara mumba mumwe chetemo uye mumagumbeze mamwe chetewo yakonzera kuti hanzvadzi nehanzvadzi — vana vemunhu mumwe chete — vekuWhitecliffe, muHarare, vadanana zvekusvika pakuitisana pamuviri apo pakatosunungukwa mwana mukomana.

Zvino baba vevana ava vari kunzi vatopata musha nekunyara makunakuna akaitwa nevana vavo aya.

Ivowo vana vacho vari kuti izvi zvinokonzerwa nemweya yetsvina inovaputira.

Nekuda kwekuti hanzvadzisikana haisati yasvitsa makore 18 okuzvarwa, vose vemhuri iyi vane chekuita nenyaya ino hativadure nemazita avo azere kuitira kuchengetedza mwana uyu.

Bright (24) naFungai (16) — avo vanogara pamba pamwe chete — vari kubvuma pasina kana nyadzi muhurukuro neKwayedza kuti vadanana zvekusvika pakupanana mimba yakatobarwa mwana.

Vaviri ava — avo vanova vana vababa naamai vamwe chete — vanonenedzera mweya yetsvina vachiti ndiyo yakavabata zvekusvika pakudanana.

“Handizive kuti zvinombofamba sei, kuitisa hanzvadzi yangu pamuviri apo pakatobarwa mwana uyu. Zvakangoerekana zvave kuitika, hatina kumbobvira tapfimbana.

“Takangoerekana toshinha, zvichida imhaka yekurara tose mumba mumwe chete nasisi. Pamwe pacho ivo sisi ndivo vange votonditanga,” Bright anotsanangudza makunakuna aya.

“Hamheno kuti zvino mwana uyu ndinomuti kudii, kuti nditi muzukuru kana kuti mwana wangu zvave kungondinetsa. Zvatakaita kukanganisa kukuru uye zvinonyadzisa.”

Bright anoti haana kumbobvira akadanana nemumwe musikana muupenyu hwake.

Mukomana uyu – uyo akagumira chikoro paGrade 7 — anoti anoda kubatsirwa kuti atsvage basa, kunyangwe rekufudza mombe kuti akwanise kubva pamba pevabereki opesana nehanzvadzi yake.

Pasina izvozvo, rudo runoramba ruchitsva.

Fungai anotiwo mweya yetsvina ndiyo yakakonzera kuti ashinhe nehanzvadzi yake kusvikira abata pamuviri.

“Takangoerekana tave kushereketa nabhudhi. Amai nababa vanorara mavo, isu tichirara medu sevana sezvo imba yedu ichingova ne2 rooms,” anodaro.

Mwana akabarwa kubva mumakunakuna aya asvitsa mwedzi miviri nechidimbu sezvo akaberekwa musi wa5 Mbudzi 2018.

Fungai naBright vose vari kupawo mhosva yekuita makunakuna pamagariro avo ekuti vanorara mumba mumwe chete, mumagumbeze mamwe.

Bright ndewechipiri mumhuri yavo yevana vashanu — vakomana vatatu nevasikana vaviri — apo Fungai ari iye mukuru kuvasikana achizotevedzerwa negotwe.

Amai vevaviri ava vanoti chiitiko ichi chine chekuita nemweya yetsvina.

“Ini ndaisazviona kuti vana ava vaidanana sezvo nguva zhinji ndichigara ndiri kumaricho. Husikuwo hapana zvandinoona kusvikira nhumbu yemwana yakazobuda, akadura kuti imimba yabhudhi vake ivava.

‘‘Akambotanga achinyeba kuti ainge abatwa chibharo,” vanodaro amai ava — vana vavo varipo.

Vanokumbira kuti dai vavakirwa imba huru yekuti vana vavo vanokwanisa kurara mudzimba dzakasiyana.

“Baba havachauya kumba nekuda kwenyaya iyi uyewo havachatenga chikafu chekuti tidye — zvichida ishungu, hasha kana nyadzi hameno,” vanodaro.

Baba vevana ava vanoti nyaya iyi inovanyadzisa zvikuru semunhu anonamata.

“Mwana akabarwa tichachengeta hazvina mhosva kuti ndewe makunakuna. Izvozvi haana mbatya nezvekudya zvakaita sebota nezvimwe, kana sipo chaiyo,” vanodaro baba ava.

Vanoti vakapatsananura vana ava apo Bright ave kugara kubasa kwavo uyuwo Fungai achigara naamai vake kumba yavanoroja.

Baba ava vanoti hama dzavo vakadzizivisa nezvenyaya iyi asi hapana akazombotaura navo kuti vozvigadzirisa sei.

Mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vanoti vana ava vanofanirwa kutorwa nevemutemo, votaurwa navo nekuda kwemakunakuna avakaita sezvo vakapara mhosva.

Kuchiti nyanzvi yezvechivanhu, Sekuru Elisha Mutanga, vanoti mhuri iyi inofanirwa kufamba muchivanhu sezvo vana ava vasvibisa musha nedzinza ravo.

“Izvi zvinofambirana nemweya yetsvina, zvinogona kunge zvakatomboitika mudzinza revana ava.

‘‘Mweya uyu unoda kuganhurwa nechivanhu,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links