
Kwayedza

Kingstone Mapupu
VAGARI vemubhuku raZimbiru, kwaMurape kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, nhasi vanonzi vafumoona mashura apo makuva matanhatu akavigwa vana afukunurwa.
Makuva aya ari padyo nepachikoro cheZimbiru Secondary apo makore mashoma akadarika pakambowanikwa bhokisi rinovigirwa vana risina chitunha asi mukati maro muine mishonga.
Mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland East, Inspector Simon Chazovachiyi, vanoti nyaya iyi haisati yasvika kumahofisi avo.
“Nyaya iyi haisati yasvika kwatiri, regai tigotsvaga chaizvo zviripo zvizere,” vanodaro Insp Chazovachiyi.
Makuva awanikwa akafukunurwa aya, mbatya dzose dzakavigiswa mitumbi yevana ava dzawanikwa dziri kunze, kusanganisawo nemabhokisi acho.
Mai Juliet Chidyandunge (46) vemumusha uyu vanotsinhira nyaya iyi panhare.
“Ichokwadi, nyaya iyi yaitika nhasi, makuva evana 6 afuma akafukunurwa mangwanani. Hatichaziva kuti mitumbi irimo here kana kuti hamuna, zviri kutyisa,” vanodaro Mai Chidyandunge.
Mai Murambakukora vemumusha mumwe chete uyu vatsinhirawo vachiti: “Kuno kwaipa, makuva afukunurwa mitumbi yevana inogona kunge yabiwa sezvo mbatya nemabhokisi zviri panze.”
Sadunhu Murape vaedza kuridzirwa nhare kuti vataurewo nekuda kwenyaya iyi asi havana kudavira.
Zvizhinji zviri kutevera.