
Kwayedza

Kingstone Mapupu
VAGARI vekwaZimbiru, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, vanoti vane fungidziro huru yekuti kufukunurwa kuri kuitwa makuva evana emunzvimbo yavo nevanhu vasingazivikanwe kune chekuita nemabasa ekuromba kana kuchekeresa.
Izvi zvinotevera kufukunurwa kwakaitwa makuva matanhatu uye mimwe mitumbi ikabiwa panzvimbo inovigwa vana kumakuva ari padyo nechikoro cheZimbiru Primary panonzi paZimbiru Grave Yard.
Vagari vemunzvimbo iyi nemusi weChishanu vakamuka vachiona makuva aya akafukunurwa, mitumbi iri pachena uye mimwe pasina.
Zvimwe zvakavigiswa vana ava semitambo, machira nemagumbeze zvakangosiiwa zvava pachena.
Mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vanotsinhira nyaya yekufukunurwa kwemakuva iyi.
“Ichokwadi, nyaya yekufukunurwa kwemakuva tinayo yakaitika kuDomboshava kwakafukunurwa makuva matanhatu. Makuva aya panoti rekutanga raVinicious Chikoto akafa ava nemwedzi gumi nemumwe chete yekuberekwa apo pakaonekwa musoro wemutumbi uri kunze uye mutumbi waiva wavigwa nemusi wa19 Chikunguru, guva rechipiri nderaTalent Cheworera akavigwa mumwedzi waChikunguru uye mutumbi wakasara uri pachena. Guva rechitatu nemamwe zvakare makuva matatu akawanikwa akafukunurwa nechikonzero chisina kuzivikanwa. Nyaya iyi ichiri kuferefetwa,” vanodaro Asst Comm Nyathi.

Machira akabudiswa muguva rakafukunurwa
Sabhuku Zimbiru, VaNicodemus Zimbiru (67), avo vanove mukuru wemasabhuku mudunhu rekwaMurape, vanoti vakaridzirwa nhare nemurume anogara padyo nemakuva aya ndokuudzwa kuti makuva matanhatu ainge afuma akafukunurwa, mitumbi yacho yabiwa, mimwe iri pachena.
“Ndakaridzirwa nhare ndichinzi nzvimbo yemakuva matinoviga vana awanikwa akafukunurwa ndokutaurira mumwe sabhuku wangu Matsine. Takauya tikaona chokwadi aiva matanhatu akafukunurwa. Ndakambenge ndanzi aiva manomwe tikanoona zvisizvo.
“Nyaya iyi takazoisvitsa kuna sadunhu wedu VaMurape vakazoisvitsawo kuna Mambo Chinhamora. Yakazosvitswa kumapurisa,” vanodaro Sabhuku Zimbiru.

Sabhuku Zimbiru
Vanoti semashoko ari kubva kuvabereki nehama dzevana vane makuva aya, mimwe mitumbi yakatorwa uye vane fungidziro huru yekuti izvi zvinogona kuve nechekuita nemabasa ekuromba.
“Mashoko atinawo ari kusiyana, mamwe achiti zvitunha zvakabiwa zvose mumakuva aya matanhatu asi mamwe achiti zvitunha zvina chete zvakabiwa zvimwe zvikasara zviri pachena. Nyaya dzakadai muno dzawanda, gore rakapera paseri padyo nechikoro cheZimbiru Secondary takawana bhokisi rekuvigira vana riine mishonga nemari nemachira aiva akavigiswa mufi, chitunha chacho tikachishaya.
“Takazowana zvakare machira aiva akaputirwa nemari zhinji, zvatinetsa kuti tizive mafambiro ari kuita zvinhu muno,” vanodaro Sabhuku Zimbiru.
Pamakuva matanhatu ayo akafukunurwa, vanoti mamwe acho vakawana afushirwa patsva nehama dzevana vakavigwa panzvimbo iyi.

Guva rakafukunurwa
“Mamwe makuva aya nanhasi akangoshama, makasara machira akavigiswa zvitunha. Vanhu vave kutotya kuviga mitumbi yevana vavo panzvimbo ino nekuda kwenyaya iyi. Tava kufungidzira kuti mabasa evanhu vanoda kuchekeresa vana vari kuita izvi vachinoshandisa mishonga yekutsvaga mari mumabhizimisi avo. Mitumbi iri kubiwa ndeyemakuva matsva evacheche nezvindumurwa,” vanodaro Sabhuku Zimbiru.
Sabhuku Matsine, VaChenjerai Robert Mandigo (62), vanoti nyaya yekufukunurwa kwemakuva iyi yavasiya vaine mibvunzo yakawandisa.

Sabhuku Matsine
“Mitumbi yevana yapera kubiwa kumakuva edu aya zvekuti tava kufunga kutsvaga vechidiki vanochengetedza nzvimbo iyi. Makuva akafukunurwa aya ndeemitumbi yemakuva matsva yakavigwa kubva mumwedzi waChikunguru. Vari kuba ava vanouya husiku, tinofungira kuti kune vanhu vemuno vavari kushanda navo kuitira kuziva makuva matsva,” vanodaro Sabhuku Matsine.
Sadunhu Murape, VaTendai Gilbert Mungate (85), vanoti nzvimbo yavo yeDomboshava yava kuzivikanwa mune zvakaipa nekuda kwevanhu vari kubva kwakasiyana vachiwana pekugara.

Sadunhu Murape
“Nyaya yekubiwa kwezvitunha zvevana iri pachena kuti vanhu vekuchekeresa vaye vanoba vana vava kuwana nzira dziri nyore dzekuwana mitumbi yevana. Tine n’anga dzinoenda muninga dzedu kuno, hazvirambike kuti vanhu ava vari kunyengerwa nen’anga nemaporofita ari kuzara muno vachienda kumakomo edu anoyera,” vanodaro Sadunhu Murape.
“Vanhu ngavasanyengerwe, vadye mari yedikita. Fungai muno tikakwira mumakomo tinoona madzimai akakumurwa mbatya vachigezwa miviri yavo nen’anga kana nemaporofita echirume. Muno matsotsi awanda anouya akapfeka magemenzi vanhu vachibirwa mumakomo umu,” vanodaro.
Vanoti masabhuku emunzvimbo yavo anosvika zana vachagara navo pasi voona kuti votora matanho api pakuchengetedza dunhu ravo.
“Nzvimbo inovigwa vana iyi yakatanga makore ekuma1950 kureva kuti pane mitumbi yevana yakawandisa inogona kudarika chiuru saka inoda kuchengetedzwa,” vanodaro.

Vanhu vachiona makuva akafukunurwa
Makuva akafukunurwa aya akasiiwa akashama anonzi anodawo kuvharwa patsika dzechivanhu.
Mai Theresa Machaya (43), avo vane mutumbi wemwana wemunin’ina wavo wakabiwa, vanoti havazive kuti vachaita sei nenyaya iyi.

Mai Theresa Machaya
“Takaviga mutumbi wemwana wedu uri mukadhibhokisi tikazonzwa kuti makuva afukunurwa, tikauya tikawana mutumbi wemwana wedu zvose nekadhibhokisi racho zvakabiwa angova machira chete. Kureva kuti mitumbi yevana kune kwairi kutengeswa,” vanodaro Mai Machaya.
Mwana uyu vanoti vakanga vachangopedza masvondo maviri vamuviga uye amai vake vanonzi Liana Chitate (21).
Mai Rosemary Kariro (52), avo vane muzukuru ane mutumbi wakabiwawo, vanoti havachagadzikana kuviga vana panzvimbo iyi.
Mai Shebbah Machado (46) vekwaSabhuku Matsine vanotiwo vava kutya kunoviga vana kumakuva aya.
“Kureva kuti kune kuri kutengeswa zvitunha zvevana saka makuva ose achasara asina zvinhu,” vanodaro Mai Machado.
Mai Heifer Sibanda (56) vanoti iyi inyaya inotyisa.