Makuwerere kuCareer Expo

06 Jul, 2018 - 00:07 0 Views
Makuwerere kuCareer Expo

Kwayedza

Vana vechikoro vodzidza mabasa

VANA vanodzidza muzvikoro zvemuHarare svondo rapera vakawana mukana wekupangwa mazano pamusoro pemabasa avanogona kuzoita apo vanopedza dzidzo yavo pasi pechirongwa cheCareer Guidance Expo icho chakaitirwa paGateway High School.

Chirongwa chemazuva maviri ichi chakaona zvakare vemakambani vachiratidzira mabasa avanoita izvo zvakapa vana vechikoro ava mukana wekudzidza nezvemaindasitiri akatsaukana eZimbabwe neekunze.

Achitaura pachiitiko ichi, Steve Vickers – uyo anova mupepeti wenhau dzemitambo kunhepfenyuro yeStar FM – anoti zvinhu zviri kusanduka zvichitevera kuuya kweruzivo rwechizvino-zvino rwemakombiyuta uye nhare. Nokudaro, zvakakosha kuti vana vechikoro vadzidze kushandisa midziyo iyi mukutsvaga zvinovabatsira muupenyu semabasa.

“Panguva yatakadzidza kuma1970, kwakanga kusina makombiyuta kana nhare. Saka imi vana mune mikana yakanaka zvikuru nekuti dzidzo yenyu yave kuita nyore nekuda kweruzivo rwemichina. Hazvibatsire kuti mushandise nhare mukufambisa mashoko ezvinhu zvisina maturo asi kuti dzinofanira kushandiswa mukusimudzira mabhizinesi nekutsvaga mabasa kana mikana yekuvandudza dzidzo muno nekunze.

“Iko zvino kungoenda padandemutande sepaGoogle wotsvaga zvaunoda, unowana mhinduro nyore. Asi zvinoda kuzvibata nekuziva chinangwa chako muupenyu,” anodaro.

Anoenderera mberi achiti, “Kune vamwe vanhu vanogona kunge vaine zvipo zvekuita mabasa akasiyana asi vasina hanya yekushanda nesimba, saka chipo ichocho chinopera nekuti unenge usiri kuchishandisa nemazvo. Zvakakosha kuti uve munhu anonamata uye akavimbika nekuti zvinokubatsira kunyangwe panzvimbo yaunoshanda nevamwe kuti muve munonzwanana.”

Mukushi wemashoko kukambani yeZimpapers, Beatrice Tonhodzayi (kurudyi), achitsanangurira vana vechikoro nezveindasitiri yekuburitsa nhau.

Vamwe vana vaive pachiitiko ichi vanoti vanofara zvikuru nekuti vakadzidza zvakawanda pamusoro pemakoreji nemayunivhesiti anowanikwa kune dzimwe nyika seChina, India kana kuUnited States.

Vana vakawanawo mukana wekuratidzira mabasa avo emawoko ayo anosanganisira kusona, kubika, kugadzira mafuta ekuzora nezvimwe.

Zvikoro zvaive pagungano iri zvinosanganisira ZRP High, Roosevelt Girls High neCelebration High.

Mamwe emakambani, makoreji nemapoka aifundisa vana nezvemabasa avanogona kuzoita kana vapedza chikoro anosanganisira Zimpapers, Medicines Control Authority of Zimbabwe, Parmat, Insurance Institute of Zimbabwe, Speciss College, Hospitality Industry neEmras Ambulance Service.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey