Makuwerere kuChibuku Road to Fame final

22 Sep, 2022 - 11:09 0 Views
Makuwerere kuChibuku Road to Fame final Patricia Murambinda

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

KAMBANI huru inogadzira nekutengesa zvinwiwa, yeDelta Corporation, inoti gadziriro dzemutambo mukuru weChibuku Road To Fame Final, uyo uchaitwa nemusi wa1 Gumiguru kuGlamis Arena muguta reHarare, dzasvika padanho repamusoro.

Chirongwa ichi chinotevera mumwe mutambo mukuru werudzi urwu uyo wakaitwa pachidanho cheProvincial Finals nemusi wa6 Nyamavhuvhu.

“Zvichitevera mitambo mishanu yemaProvincial Finals yakaitwa, vanwi nemakasitoma akasiyana vakaratidza kufadzwa zvikuru.

“Mitambo yemaProvincial Finals ichange ichipera nemusi wa24 mwedzi uno nekudaro gadziriro dzasvika kwamvura yacheka makumbo kuti kunge kuchiitwa makwikwi eChibuku Road to Fame National Finals kutanga kwemwedzi unotevera,” anodaro Patricia Murambinda, uyo anova mukushi wemashoko wekambani iyi.

Anoti kuchange kuine vaimbi vakasiyana uye vanhu vachapinda pachena kutanga nenguva dza12 masikati.

Zvikwata zvakasiyana zvichakwikwidza pazuva iri.

Bulawayo ichange yakamiririrwa neOrchestra Zealous mumusambo weSungura, Manicaland ine Expressions Band mumusambo weAfro-Fusion, Mashonaland Central ine chikwata cheHi-Five mumupanda weAfro-Fusion, Matabelaland South ine Thokozani Super Sounds mumusambo weTshibilika uye Mashonaland East ichange yakamirirwa neThe Originals mumupanda weZim Dancehall.

Share This:

Sponsored Links