Makuwerere kuHarare Poly

17 Aug, 2018 - 00:08 0 Views
Makuwerere kuHarare Poly Peter Mapiye Zimuto

Kwayedza

VADZIDZI vepakoreji yeHarare Polytechnic vanoti vanofara zvikuru nezvidzidzo zvakasiyana zvavari kufunda uye vari kunzwa manyuku-nyuku zvichitevera kupedza kwavaita rimwe danho refundo nomusi weChishanu chino apo vari kuwaniswa zvitupa nemibairo.
Tonderai Mugwenhi (31) – uyo ari kuita zvidzidzo zveQuality Survey – anoti zvidzidzo izvi ndezvemakore mana kuti awane chitupa cheNational Diploma.

Tonderai Mugwenhi

“Ndakatanga muna2014 uye ndiri kufara nezvitupa nemibairo yatiri kuwaniswa pano.
PamaModule 18 atakaita, ndakapasa 9 zvepamusoro. Zvidzidzo zvemhando iyi zvinoitwa nemunhu anenge akapasa O-Level aine masvomhu, chiRungu nesainzi,” anodaro.

Anoti basa guru ravanoita nderekuona kuti midziyo yakavakwa inogona kutengeswa nemarii kana kuvakwa nemidziyo yakawanda zvakadii uye zvichiita mari zvichibatsira vanhu nemakambani munyaya dzebhajeti.
Jillen Konono (21) anoti akatanga gore rapera kuita zvidzidzo zveCivil Engineering (Water Resource and Irrigation) uye ari kutarisira kupedza muna2020.

Jillen Konono

“Ndakaona kuti nyika yedu inonyanya kutarisana nenyaya dzekurima, nokudaro zvinodyidzana nenyaya dzemadiridziro dzinova dzinoita kuti nyika iwane kudya kwakakwana uye kune utano. Nomusi weChishanu chino ndiri kuwaniswa National Cerificate zvekare ndiri nyanzvi mumitambo yeBasketball izvo zvakaona ndichiwana mibairo yakawanda mumakwikwi akaitwa muZimbabwe nekunze,” anodaro.
Peter Mapiye Zimuto (25) ari kuchikamu cheCivil Engineering (Urban, Regional and Town Planning) anoti akatanga muna2014 uye zvinoda hunyanzvi, kunyanya munyaya dzezvivakwa nekugoverwa kwemasitendi.
“Kuburikidza nedzidzo yepaHarare Polytechnic, ndakakodzera kuwana basa mukamanzura, angava emumaguta kana kumaruwa nekuti ndangofanana nemunhu ane dhigirii padanho randava,” anodaro.
Kuchiti Cralin Dzawu (24) uyo ari kuita Automobile Electrics and Electronics kuchikamu cheAutomotive Engineering anoti ave mugore rekupedzisira.

Crain Dzawu aine menduru dzaakahwinha

“Ndiri mudzimai mumwe chete pakati pevarume vakawanda vari kuita chidzidzo ichi,” anodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey