Abel Ndooka
ACHANGE ari makuwerere kuNdau Festival of the Arts (NdaFA) mumusha waBangira, kwaChikore, kuChipinge, kubva neChina chino kusvikira neSvondo apo zvikwata zvakawanda zvicharatidzira tsika nemagariro echiNdau.
Chiitiko chegore rino chichaitwa pasi pedingindira rinokurudzira budiriro yenharaunda kuburikidza nenhoroondo yevanhukadzi.
Gungano iri richapindwa nevanobva kuzvikamu zvinosanganisira zvedzidzo, masangano akazvimirira pamwe nemapazi eHurumende.
Zvimwe zvichaitwa pamazuva ekusimudzira tsika nemagariro echiNdau aya zvinosanganisira chirongwa cheRural Tourism Colloquium icho chichaitwa sangano iri rakabatana neManicaland State University of Applied Sciences (MSUAS).
Chirongwa ichi chikamu chemhemberero dzeWorld Tourism Month uye pachange paine magwaro achaturwa nekuitwa kwehurukuro.
Zvikoro zvedzidzo yepamusoro, kusanganisira mayunivhesiti nemakoreji, zvinodarika zvisere zvakatotsinhira kuti zvichavepo pachiitiko ichi apo pachave nemukana wekusimudzira nyaya dzekudyidzana nekuratidzira hunyanzvi.
Bepanhau reKwayedza richashanda pamwe chete neNdaFA munyaya dzekuburitswa kwemashoko nekushambadzwa kwemutambo uyu.
Mudzidzisi wepaMSUAS — Dr Godfrey Makandwa — avo vanove mumwe wevarongi vemutambo uyu, vanoti gadziriro dzedopiro iri dzasvika padanho repamusoro uye zvinhu zvose zvinodiwa zvarongeka.
“Tadzoka zvekare nemutambo wedu mukuru weNdau Festival of the Arts uyo wakatikoshera chaizvo munzvimbo yedu sezvo uchitidzidzisa zvakanyanya mukusimudzira tsika nemagariro edu echiNdau.
“Tine tarisiro huru yekuti vanhu vose vachauya, kunyanya vechidiki, vachadzidza zvakawanda pamusoro petsika nemagariro edu vanhu vechitema,” vanodaro Dr Makandwa.
Mukuru weNdaFA ndiVaPhilip Kusasa.