Makuwerere paMhizha Primary

06 Dec, 2019 - 00:12 0 Views
Makuwerere paMhizha Primary Ambassador Joey Bimha

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

AIVA makuwerere paMhizha Primary School iri kuHighfield, muHarare, nemusi weChishanu svondo rapera apo vana vakabudirira muzvidzidzo nemumitambo pachikoro ichi vakapihwa mibairo.

VaPatrick Chitambo

Vabereki vane vana pachikoro ichi nevamwe vemunharaunda vakaungana vachipemberera pazuva iri.

Vaive muyenzi mukuru, Ambassador Joey Bimha — avo vaimbova munyori mukuru mubazi rezvinoitika kunze kwenyika — vakatenda vakuru vechikoro, vadzidzisi nevana nekuda kweshanduko yava pachikoro ichi senzira yekurwisa nyaya dzekudofora muzvidzidzo. “Ndinofara kuti chikoro chino chiri kusimukira uye chiri kufambirana nenguva. Chine vana 1 800, zvichireva kuti hakuna mwana anoshaiswa kodzero yedzidzo,” vanodaro.

Zvimwe zvaiitika paMhizha Primary School pazuva rekupihwa mibairo kwevana nemusi weChishanu chadarika. — Mifananidzo naInnocent Makawa

VaPatrick Chitambo, avo vanova mukuru weMhizha Primary, vanotenda vabereki nerutsigiro rwavanopa.

“Ndimi makakosha mudzidzo yevana nekuti kuti vauye kuchikoro, isarudzo nerutsigiro rwenyu,” vanodaro.

Vanopawo nhoroondo yebudiriro yechikoro ichi.

“Gore rino takabudirira zvikuru apo vana veEarly Child Development (ECD) 280 vakapasa vakabudirira kuenda kurimwe danho redzidzo uye chikamu chekupasa chevana veGrade 3 kusvika Grade 6 chave pa65 percent,” vanodaro.

Vanoti vadzidzi veGrade 7 vegore ra2019 vakapasa zvinonwisa mvura.

Vabereki

Vanotizve pachikoro chavo vanofundisawo vana mabasa emaoko sekubika, kusona, kuveza, kuchengeta huku, tsuro nekurima pakati pezvimwe.

VaChitambo vanoti budiriro yechikoro inobvira pakuva nezvivakwa zvakanaka uye mushandirapamwe pakati pevadzidzi, vabereki, varairidzi nesangano reSchool Development Committee (SDC) uye Hurumende.

Munguva pfupi yadarika, vana veGrade 7 vepaMhizha vakaita chirongwa chesainzi nekurima (Science & Agricultural Expo) icho chakapindwa nevakuru vedzidzo vakabva kumatunhu akasiyana enyika.

 

Share This:

Sponsored Links