Makuwerere paPricabe Farm

20 Mar, 2020 - 00:03 0 Views
Makuwerere paPricabe Farm Mutungamiriri wenyika President Mnangagwa, Gurukota rezvekudzivirirwa kwenyika Mai Oppah Muchinguri-Kashiri neMunyori mukuru mubazi rezvekurima Dr John Basera vachiyemura munda wemutungamiriri wenyika kuKwekwe svondo rapfuura.

Kwayedza

Wendy Madzura

VANHU vaiva mavhu nemarara paPricabe Farm, Sherwood block iri kuKwekwe nemusi weChina svondo rapera uko vaipemberera kugona kurima kwakaitwa nemutungamiriri wenyika President ED Mnangagwa.

Donzvo reSeed Co raiva rekuratidza kunaka kwembeu dzainouchika uye kushambadza tsika dzekurima dzinofambirana nekupedza nzara zvichiunza maguta kunyika. Kana nyika ikaguta, zvinopa mukana wekutengesa rimwe goho kune dzimwe nyika kuti tidzikise mutoro wekutenga kubva kwenyika.

Mutambo uyu waivawo nevakuru veHurumede uye varimi vainge vakawanda zvekupfuura 7 000 nevemakambani ari mune zvekurima achidyidzana neSeed Co.

Pricabe Farm yakarima mahekita 400 echibage, 200 esoya beans, 5 esugar beans nemamwe 12.5 embatatisi.

Mutambo wefield day uyu wakave chapupu chizere chinoratidza kuti kurima zvine pundutso kunogoneka kuburikidza nekusarudza mbeu zvine hungwaru nekurima zvakanaka mumunda.

PaPricabe Farm pakarimwa chibage cheNzou SC 727 necheShumba SC 649. Chibage ichi chakashamisa vazhinji nekukura kwacho, kunyanya takatarisana nemwaka waive nemvura shoma. Izvi zvinoratidza kuti mbeu dzeSeed Co dzine chipo chekushingirira muzuva kwemazuva akati kuti iya yatingati (drought tolerance).

Mbeu dzinowuchikwa neSeed Co dzinoshingirira kumamiriro ekunze (defensive agronomic traits) kuburikidza nokuve nedzinde rakakora uye raksasimba, midzi yakawanda yakakora kuti mbeu isadonhe ne mhepo nekushingirira kuzvirwere zvinonetsa kuchibage sechekuita mitsara michena pamashizha (maize steak virus) kana chekungooma mashizha (grey leaf spot). Mbeu dzeSeed Co dzinopa goho repamusooro rinodarika 10t pahekita.

Goho guru rinobva pazviga zvitatu zvinoita kuti dzipe murimi goho repamusoro (yield components) zvinoti:

1) Kureba nekukura kwemuguri (cob size)

2) Kuwanda kwemitsara pamuguri (high row number/high number of kernels)

3) Kukura kwetsanga kudarika muguri (shelling out percentage). Izvi tinozvikurudzira zvikuru nokuti kusiyanisa mumera ne mhuri yembeu kunosiyanisa mazuva okuibva zvichiita kuti murimi adzikise mukana wekukundikana (risk).

Zvichakadaro, President Mnangagwa havana kurima chibage chete, vakarima soya beans dzemhando yeSC Spike idzo dzakurumbira zvikuru muvarimi muZimbabwe. Soya beans idzi dzinoreba mumunda, dzichidonhedza mhodzi dzakawanda padzinde. Dzinoshingirira zvirwere zvinonetsa kusoya beans zvinosanganisira chemashizha anoita ngura (soya beans rust) nechekuita mavara mavara pamashiza (leaf spot). Goho rinotarisirwa pa soya beans idzi rinobva pamatani mana kusvika mashanu pahekita.

Pamunda uyu panorimwa zvakare mbeu yesugar beans yemhando yeSC Bounty iyo inopa goho riri pakati pe1.5 kusvika 2.5t pahekita. Panorimwawo mbatatisi nembesa dzemuriwo. Pamusoro pekurima mbesa idzi, varimi vakaona mombe, hwai, huku nechirongwa chekuchengeta hove chiri kuitwapo.

Pakurima zvemhando yebhizimusi zvinokurudzirwa kuti murimi ave nezvakasiyana zvaanoita pamunda.

Pamutambo uyu pakataura gurukota rezvekurima, VaPerrance Shiri avo vakatsinhira kukosha kwekurima zvinokwidza goho takatarisana nekushanduka kwaita mwaka.

Vakatsigirwa nemunyori mukuru mubazi rekurima, Dr John Basera avo vakakurudzira varimi kuti vashandise kurima kwe“pfumvudza” kuti pandima diki yavanorima vakwanise kuwana goho repamusoro uye rinogutsa mhuri pamwe nekuve nemukana wekutengesa. Nzira iyi inokurudzira varimi kuti vachere makomba nekuisa mupfudze kana murakwani kuti vachengetedze hunyoro muvhu nekuwedzera hutano hwevhu.

Mukuru we Seed Co, Va Denias Zaranyika vakakorokotedza President Mnangagwa vakakurudzira varimi kuti varime mbeu dzekambani huru iyi kuti vawane pundutso nokuti kuSeed Co kune mbeu dzinoenderana nenharaunda dzose dzemuZimbabwe kubva kuTsuro (300 series), Tsoko (400 series), Mbizi (500 series), Shumba (600 series) neNzou huru yadzo (700 series).

Mukokwa mukuru, gurukota rekudzivirirwa kwenyika, Hon Oppah Muchinguri-Kashiri vakakorokotedza President Mnangagwa nekurima zvinonwisa mvura uye nekutungamirira nyika panyaya dzekurima zvine pundutso.

Mumashoko avo ekutenda President Mnangangwa vakataurira veruzhinji kukosha kwekurima zvine pundutso. Vakati gorosi repaPricabe Farm rinoshanda kubika chingwa chinotengeswa (value edition).

President Munangagwa vakatenda mhomho yevanhu vakaungana papurazi ravo pamwe chete neSeed Co nekuuchika mbeu dzinopa goho repamusoro.

Wendy Madzura ndiHead of Agronomy kuSeed Co Zimbabwe. Anobatika pa 0732 270 080.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>