Kanga huku yechibhoyi

27 Jul, 2018 - 00:07 0 Views
Kanga huku yechibhoyi

Kwayedza

HUKU yechibhoyi — iya inodaidzwa kuti road-runner — ine mumwe munakiro une musiyano neidzo dzinopfuirwa nyama nekuti inodya zvekutsvara-tsvara.

Tinowana mapuroteni kubva muhuku dzemhando iyi uye hadzina mafuta akawanda ayo anokonzera zvirwere.

Svondo rino Moreblessing Sanganai wekuChipinge anotitsanangudza imwe nzira yekubika huku yechibhoyi.

Zvinodiwa:

Chikari, chipunyu, hanyanisi, munyu, mafuta nematomatisi

Mabikiro:

Cheka nyama yehuku muzvidimbu zvakafanira.

Geza zvidimbu zvawacheka wokanda muchikari kana mupoto, woisa mvura nemunyu zvakafanira. Kwatisa nyama kwemaminitsi makumi maviri. Kana mvura yapera, isa mafuta mashoma wokanga kusvika yatsvukira. Chekerera hanyanisi wokanga nematomatisi.

Ndapota, usaise godza muto.

Ramba uchipindura-pindura asi usakanganwe kusiya muto wakakorerera. Usavi hwehuku yechibhoyi hunogona kuseveswa sadza rezviyo, remhunga, remapfunde kana mupunga. Aiwa, unozviruma rurimi nekunakirwa!

 

. Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachirongwa chino panhamba dzinoti +263 713 411 281 kana patwitter inoti @muchaneta75

Share This:

Sponsored Links