Breaking News

Vogara nguva pfupi mu‘quarantine’

VANHU vari kuchengetwa munzvimbo dzakasiyana dzenyika vachiongororwa utano hwavo nechinangwa chekuti vaonekwe kuti ...

Get breaking news alerts.
Don't miss a thing.
Subscribe

Makwikwi eAfrican Woman of the Year

17 Apr, 2019 - 13:04 0 Views

Kwayedza

Munyori weKwayedza
VANHUKADZI hounoi mukana wekuti muhwinhe mibairo mikuru yakarohwa nechando mumakwikwi eKwayedza African Woman of the Year.

Tumirai mifananidzo yenyu makapfeka mbatya dzezvipfeko zvemuAfrica (African attire) kuKwayedza, bepanhau revanhu, kuti muve nemukana wekuhwinha mibairo inosanganisira zvitofu, mazakwatira emari pamwe chete nemachira ekusonesa zvimwe zvipfeko. Mifananidzo iyi ngaiperekedzwe nefomu rinenge rachekwa kubva muKwayedza.

Musakanganwe kupedzisa mutsara uri pafomu iri uye kuisa zita renyu, nhamba dzepamunogara pamwe chete nedzenhare. Zvakawanda nezvemakwikwi aya onai sekushambadzwa kwazvakaitwa pazasi. Mifananidzo inotumirwa ichaburitswa muKwayedza svondo rega-rega dakara tasvika pakuhwinwa kwemibairo gore rino.

Madzimai pindai mumakwikwi aya muhwine!

Share This:

Sponsored Links