Makwikwi eAfrican Woman of the Year

08 Nov, 2019 - 00:11 0 Views

Kwayedza

Munyori weKwayedza

VANHUKADZI hounoi mukana wekuti muhwinhe mibairo mikuru yakarohwa nechando mumakwikwi eKwayedza African Woman of the Year.

Tumirai mifananidzo yenyu makapfeka mbatya dzezvipfeko zvemuAfrica (African attire) kuKwayedza, bepanhau revanhu, kuti muve nemukana wekuhwinha mibairo inosanganisira zvitofu, mazakwatira emari pamwe chete nemachira ekusonesa zvimwe zvipfeko.

Mifananidzo iyi ngaiperekedzwe nefomu rinenge rachekwa kubva muKwayedza.

Musakanganwe kupedzisa mutsara uri pafomu iri uye kuisa zita renyu, nhamba dzepamunogara pamwe chete nedzenhare.

Zvakawanda nezvemakwikwi aya onai sekushambadzwa kwazvakaitwa  pazasi.

Mifananidzo inotumirwa ichaburitswa muKwayedza svondo rega-rega dakara tasvika pakuhwinhwa kwemibairo gore rino.

Madzimai pindai mumakwikwi aya muhwine!

 

Share This:

Sponsored Links