Makwikwi eAfrican Woman of the Year

05 Mar, 2020 - 11:03 0 Views

Kwayedza

Munyori weKwayedza

Vanhukadzi hounoi mukana wekuti muhwinhe mibairo mikuru yakarohwa nechando mumakwikwi eKwayedza Afri- can Woman of the Year.

Tumirai mifananidzo yenyu makapfeka mbatya dzezvi- pfeko zvemuAfrica (African attire) kuKwayedza, bepanhau revanhu, kuti muve nemukana wekuhwinha mibairo inosan- ganisira zvitofu, mazakwatira emari pamwe chete nemachira ekusonesa zvimwe zvipfeko. Mifananidzo iyi ngaipereked- zwe nefomu rinenge rachekwa kubva muKwayedza.

Musakanganwe kuped- zisa mutsara uri pafomu iri uye kuisa zita renyu, nhamba dzepamunogara pamwe chete nedzenhare. Zvaka- wanda nezvemakwikwi aya onai sekushambadzwa kwaz- vakaitwa pazasi. Mifananidzo inotumirwa ichaburitswa muK- wayedza svondo rega-rega dakara tasvika pakuhwinwa kwemibairo gore rino.

Madzimai pindai mumak- wikwi aya muhwine!

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey