Malawi yapinda mu’Round of 16′

20 Jan, 2022 - 11:01 0 Views
Malawi yapinda mu’Round of 16′

Kwayedza

Abel Ndooka

APO maWarriors ari kudzoka kumusha mushure mekuburitswa mumutambo weAFCON, zvimwe zvikwata zvainge zviri muboka rimwe chete nechikwata chenyika ichi reGroup B zvinoti Malawi, Guinea neSenegal zvose zvabudirira kuenda muRound of 16 yemakwikwi aya.

Malawi yabudirira kuenda muRound of 16 zvichitevera kukunda kwayakaita Zimbabwe apo yakahwina 2-1 nemusi weChishanu svondo radarika uye nekuita mangange 0-0 neSenegal mumutambo uyo yakapotsa nepadiki yahwina apo yakazonyimwa pena mushure mekupindira kweVideo Assistant Referee (VAR).

CAF yazivisa nezvekubudirira kweMalawi kuenda kuRound of 16 apo yanyora padandemutande rayo reTwitter ichiti, “Nhoroondo. Chikwata cheMalawi chabudirira kuenda ku#TotalEnergiesAFCON knockout stages kekutanga munhoroondo yacho. Izuva rakakosha zvikuru kunyika yose.”

MaWarriors – ayo akapedza ari pasi muboka rawo – ane zvibodzwa zvitatu uye ari kutarisirwa kusvika munyika achibva kuCameroon.

Share This:

Sponsored Links