Malawi yorumbidza kambani yeSeed Co

08 Apr, 2021 - 13:04 0 Views
Malawi yorumbidza kambani yeSeed Co

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

GURUKOTA rezvekurima rekunyika yeMalawi, VaLobine Clarke Lowe, vanorumbidza kambani huru munyaya dzekuuchikwa kwembeu muZimbabwe yeSeed Co nebasa rairi kuita kusimudzira nyaya dzekurima munyika muno nekunze kuburikidza nekuuchika mbeu dzemhando yepamusoro.

Vakataura mashoko aya svondo rapera apo vaimema muzinda wekambani iyi unouchikwa mbeu weRattray Arnold Research Station, uri kuShamva.

Vaive pagungano iri vanosanganisira gurukota rezvekurima, Dr Anxious Masuka, munyori mukuru webazi iri Dr John Basera, varimi nemadhumeni.

VaLowe vanoti vanofara zvikuru kupinda munyika yeZimbabwe kekutanga vachidzidza nezvekurimwa kwembeu kuburikidza nekambani yeSeed Co.

“Aka ndekekutanga kangu kupinda munyika yeZimbabwe, ndinofara zvikuru kuona kuti munyika muno mune vanhu vane rudo uye vakazvininipisa. Ndinofara nekambani yeSeed Co pazvirongwa zvairi kuita zvekurima nekuuchika mbeu dzakasiyana munyika muno nedzimwe nyika kusanganisira kuMalawi zvinova zviri kubatsira mukudzinga nzara neurombo,” vanodaro VaLowe.

Vanoenderera mberi vachiti, “Tinoda kutora kurima sebhizimusi uye kunyika kwangu tiri kurerutsira varimi kuburikidza nekuvawanisa mbeu, fetiraiza, mishonga nezvimwe zvinodiwa pakurima nemitengo yakaderera. Kana murimi akawaniswa zvekushandisa zvinomurerukira kuti abate mwaka achizoburawo goho rakakura.

“Seed Co inotiwanisa matani 60 000 embeu izvo zviri kuona tichiwana goho matani 4,4 miriyoni echibage uye matani 1,1 miriyoni tinotengesa kune dzimwe nyika.”

Dr Masuka vanoti mwaka uno munyika muno varimi vekumaruwa 1,8 miriyoni vakabatsirikana nezvirimwa zvidiki zvakadai semapfunde, mhunga, rukweza, nyimo, nzungu zvinova zvinotivirira kuzuva zvichibatsira mukurwisa nzara neurombo.

“Tinofara zvikuru nehukama huri pakati peZimbabwe neMalawi nekuti tine mamwe madhumeni eko ari muno ari kutibatsira nekutipakurira hunyanzvi hwekurima kwakanaka. Varimi kana vachinge vawaniswa zvekushandisa uye ruzivo, zvinhu zvese zvinoendeka.

“Gore rino tinodada nechirongwa chePfumvudza, nyika iri kuzobura goho guru zvichifambirana nechirongwa cheVision 2030 chekuona kuti nyika ino yawana maguta uye kudya kunovaka muviri,” vanodaro.

Vachitaurawo, Dr Basera vanoti zvakakosha kuti varimi vawaniswe mbeu yemhando yepamusoro kuti vapunduke mumabasa avo.

Share This:

Sponsored Links