Malope hutu nemubairo

07 Dec, 2018 - 00:12 0 Views
Malope hutu nemubairo Rebecca Malope

Kwayedza

Munyori weKwayedza
KWAKANGE kusingadanwe anonzwa kumakwikwi e2nd Annual DStv Mzansi Viewers’ Choice Awards ayo akaitirwa kunzvimbo yeSandton International Convention Centre, kuSouth Africa nguva pfupi yadarika.

Chiitiko ichi, icho chaitungamirirwa naBonang Matheba, chakaona vaimbi vanosvika 13 vachipihwa mibairo yakasiyana.

Mubairo mukuru wakaenda kuna Rebecca Malope anoimba musambo wechitendero uyo akaimba zvekuti vanhu vaive pagungano iri vakaramba vachingoshevedzera kuti “encore” vachida kuti arambe achiimba.

Chikwata cheMafikizolo chakaitawo zvinorova padopiro iri apo Nhlanhla Nciza akafadza veruzhinji nekupfeka nhumbi dzakasiyana-siyana idzo dzaikwezva mwoyo nguva nenguva.

Mubairo we1Life Life Changer Award – uyo unopihwa kumunhu anenge aita zvakatsanangurika zvinosandura nharaunda yaanogara – wakatorwa naMoss Lehlokoa anove makanika anodzidzisa vechidiki kugadzurudza motokari dzinenge dzabondera munjodzi yemumugwagwa (panel beating) kunzvimbo yeDiepsloot. Muchinda uyu akaenda kumba nemubairo weR50 000.

Share This:

Sponsored Links