Mamasiki acharamba achipfekwa muzvikoro

31 Aug, 2022 - 17:08 0 Views
Mamasiki acharamba achipfekwa muzvikoro Prof Murwira

Kwayedza

Robin Muchetu

MATANHO ekudzivirira kupararira kwedenda reCovid-19, anosanganisira kupfeka mamasiki nenzira kwayo munhu akavhara mhuno nemuromo, acharamba aripo muzvikoro zvose kunyangwe Hurumende yakanyevenutsa zvimwe zvisungo kuvanhu vakabaiwa nhomba dzedenda iri dzose dziri nhatu.

Izvi zvakataurwa nebazi redzidzo yepuraimari nesekondari pamwe negurukota redzidzo yepamusoro, sainzi nekuvandudzwa kweruzivo rwemichina – Professor Amon Murwira – panguva iyo zvikoro zviri kutarisirwa kuvhurwa nemusi weMuvhuro unotevera.

Bazi rezvedzidzo yepuraimari nesekondari rinoti zvese izvi inzira yekuchengetedza utano hwevadzidzi pamwe neveruzhinji zvichifambirana nezviri kuitwa nedzimwe nyika mukurwisa Covid-19.

Mumwe mukuru mubazi redzidzo yepuraimari nesekondari anoti kunyangwe mamasiki akanzi anobviswa panzvimbo dzine veruzhinji dzisina kuvharika kune vakabaiwa nhomba dzese dziri nhatu, muzvikoro mamasiki anofanirwa kuramba achipfekwa.

“Maitiro edu tichifambirana nemutemo weStandard Operating Procedures wekudzivirira Covid-19, tinoti mamasiki acharamba achipfekwa muzvikoro.

“Kudzidza kunoitwa munzvimbo dzakavharika mumakirasi nekudaro kupfekwa kwemasiki nevadzidzi nevadzidzisi vavo kunoramba kuri panzvimbo. Isu takamirira kuti Hurumende iburitse gwaro reStatutory Instrument rinoratidza kuti vadzidzi vachabatwa sei muzvikoro maererano neshanduko yemamiriro ezvinhu apo huwandu hwevadzidzi mumakirasi hwakaderedzwa uye nyaya yekupfekwa kwemasiki,” vanodaro.

Mushure mekubudirira kwechirongwa chenyika chekubaya nhomba kune vane makore 18 okuberekwa zvichikwira, bazi rezveutano nekurerwa kwevana rakatsigira kubayiwa kwemajekiseni aya kumazera emakore 12 kusvika ku17 okuberekwa.

Bazi rezvedzidzo yepuraimari nesekondari rinotiwo pane zvimwe zvikoro zvisati zvazadzikisa huwandu hwevadzidzi vanofanirwa kubaiwa nhomba dzekudzivirira chirwere cheCovid-19.

Vachitaura pamusoro penyaya yevadzidzi vanofanirwa kupihwa zvitupa mushure mekupedza zvidzidzo zvavo, Prof Murwira vanoti zvakakosha kuti matanho ekurwisa Covid-19 arambe achicherechedzwa nekuti denda iri richirimo munyika muno.

“Tabudirira senyika kurwisa hutachiona uhu asi kana tichitarisa nyaya yekuungana kwevadzidzi apo vanenge vachipihwa zvitupa mushure mekupedza fundo yavo, panoda kungwarirwa zvakanyanya. Chinangwa chedu kudzivirira vadzidzi pamwe chete nesu kubva kudenda iri,” vanodaro Prof Murwira.

Share This:

Sponsored Links