Mambo (89) ane vana 80. . . handisati ndaguma, ndichiri kutoda vamwe’

08 Jan, 2023 - 09:01 0 Views
Mambo (89) ane vana 80. . . handisati ndaguma, ndichiri kutoda vamwe’ Mambo Marange

Kwayedza

Tendai Gukutikwa ari kwaMUTARE

“BEREKANAI muwande. Zadzai nyika mubate Hushe pairi. Mubate hushe pamusoro pehove dzegungwa, napamusoro peshiri dzokudenga, napamusoro pezvipenyu zvose zvinokambaira panyika,” rinodaro Bhabheri munaGenesisi 1 vs 28.

Kana pakambove nemuKristu akazvipira kuterera vhesi remuBhaibheri iri ndiMambo Marange vekwaMutare.

Murume uyu azvara vana vanodarika makumi masere nevakadzi vasingaverengeki.

Madzimai ake vepamutemo vaakaroora vanosvika 11. Akafirwa nevaviri uye ndokurambana nevamwe vaviri.

Vakasara vaine madzimai manomwe, asi huwandu hwacho hwakawedzera kusvika pa11 zvakare mushure pokunge vagara nhaka mamwe madzimai mana kubva kuvakoma vavo vakafa.

Nemadzimai enhaka, Mambo Marange vaita vana vasere, ivo vaine vana 64 nemadzimai avo.

Vamwe vana vasere vakazvarwa kunze kwewanano uye havasati vaunzwa mumhuri.

Kusiyana nezvinofungwa neveruzhinji, Mambo Marange, avo vakaberekwa vachinzi Makungauta Mutisi Murwira Marange, havapinde chechi yechipositori ine mukurumbira mukukurudzira barika kunhengo dzayo.

Musharukwa uyu ane makore 89 okuberekwa ndeweSeventh Day Adventist (SDA). Chechi iyi imwe yemakereke anoshoropodza barika.

“Ndiri mutendi akasimba uye ndinonzwisisa Bhaibheri kupfuura ani zvake ari muchechi yeSDA kana rimwe sangano ripi zvaro. Ndinoverenga kuti ndizvinzwisise uye ndizvidudzire.

“Genesisi 1 v 28 inonditungamirira. Unofunga kuti Jehovha aititarisira seizve kuti ‘tizadze nyika uye titonge hove dziri mugungwa’ tiine mudzimai mumwe chete nevana vashomanana?

“Vhesi iyoyo yakaiswa imomo nechikonzero. Kunze kwaizvozvo, chii chimwe chingafadza murume kudarika imba yakazara nevana vakawanda?” vanodaro Mambo Marange vachiseka havo muhurukuro nguva pfupi yadarika.

Mutungamiriri wechivanhu uyu anotiwo barika rake rakabva kuna baba vake mushakabvu.

Mambo Marange vakazvarwa nemukadzi wechipiri pabarika musi wa6 Chikumi 1933.

Vachikura, vaive nevanin’ina nevakoma 22, vanaamai vaviri uye baba mumwe uye zvavaishuvira kwaive kuzova nemhuri yakakura muupenyu, zvinove zviroto zvavazadzikisa.

“Barika muZimbabwe kare raiitwa nemadzishe senzira yekusimudzira magariro avo, kunyange zvazvo vaingotora madzimai maviri kana matatu, asi ini ndaiva nebarika ndisati ndaitwa mambo muna2016. Kutenda kwemhuri yangu kuti tinofanira kubereka zvibereko uye tiwande sezvakadzidziswa namadzibaba edu akashaya,” vanodaro.

Mambo Marange vanoti vanoziva vana vavo vose nemazita nechiso uye vanovapa rudo rwakazara vose.

Zvisinei, havazive huwandu hwevazukuru vavo nezvizukurubvi sezvo vakawandisa.

“Kutaura chokwadi, mhuri yangu, ini ndiri musoro une mazana evanhu. Fungidzira dai vana vangu vose vaine vana vashanu mumwe nemumwe, asi handizvo, nekuti kune vamwe vane vakawanda kudarika apa.

“Vana vangu vazhinji vane barika, vamwe vane madzimai anosvika mashanu mumwe nemumwe aine vana vashanu nemukadzi mumwe. Ini pachokwadi handizivi kuti ndine vazukuru nezvizukurubvi vangani nekuti vakawandisa.”

Vachibvunzwa pamusoro pechakavanzika chavo mukugona kuriritira mhuri yakakura kudai, Mambo Marange vanoti inyaya yekugutsa madzimai avo.

“Kana madzimai achifara, vana vanofarawo. Hapana mwana anoda kuona amai vake vakagumbuka. Kuti varambe vachifara, ndinovaitira zvavanoda nguva dzose.

“Kana zvasvika kukodzero dzavo dzekuroorana, vanodziwana chero nguva yavanoda.

“Pamusha pangu ndine madzimai mashanu andiri kugara nawo, vari kudzimba dzavo dzakasiyana, kwoti vaviri vari kupurazi. Avo vandakagara nhaka vachiri kugara pamisha yevakoma vangu vakafa asi pedyo. Ndinogara ndichinorara navo ikoko.

“Ini handina hurongwa panyaya yekodzero dzekuroorana kana kushanyira madzimai angu. Ndinongosarudza nekukasira uye ani nani anoita rombo rakanaka anondiwana husiku ihwohwo.

“Changu chikuru ndechekuti ndiri murume akasimba. Ndingadai ndisina kuwana zvose izvi dai zvisiri izvo.

“Ndinowana zvakare mishonga yechivanhu yekusimbisa musana yandinozvitsvagira musango. Zvose izvi ndinozviitira kuti ndisiye madzimai angu ose agutsikana uye achifara,” vanodaro Mambo Marange vachiseka.

Vakambobata chigaro chehushe ichi kwemakore manomwe zvichitevera kufa kwemukoma wavo, Gilbert Marange muna2002.

Vakazogadzwa samambo wevanhu vekwaMarange mugore ra2016.

Muhurukuro, mudzimai mukuru waMambo Marange, Mai Clara Chikata (84) avo vakabereka vana 11, vanoti semamwe marudzi epabarika, vanombopokana mumafungiro asi vanogadzirisana murunyararo.

“Barika harina kunyanyoipa kana murume achiudza madzimai ake zvirongwa nezviono zvake. Izvi ndizvo zvinoitwa nababa tichiita sarudzo tose.

“Handina kukwanisa kumurambidza kuroora vamwe vakadzi sezvo ari iye musoro wemhuri uye ane mari. Ndiwo upfumi hwake.

“Matambudziko pabarika anotanga kana mumwe mukadzi ave kudiwa kupfuura vamwe. Zvisinei, yedu imba ine rugare. Isu tinodiwa zvakafanana uye tikanetsana, baba vanotigadzirisa murunyararo,” vanodaro.

Vanotiwo kudai vachiri zera rekubereka, vaida kuita vamwe vana.

Muna1992, Mambo Marange vakaroora muzukuru waMai Chikata, Mai Phinisia Chikata, semudzimai wavo wechishanu apo aigara natete vake.

Kunyange izvi zvakakonzera kusawirirana pakati pehama mbiri idzi, runyararo rwakazovapo mwedzi mishoma mushure mekunge vasarudza kubatana.

“Ndaigara natete pandakaroorwa namambo. Hongu vakambotsutsumwa, asi izvi zvakatora nguva pfupi uye takazotanga kubatana tichiwirirana.

“Ndine vana vatanhatu uye ndichiri kuda kubereka. Tiri kugara murunyararo uye tichinakidzwa newanano yedu.

“Tiri kuchengetwa zvakanaka chose uye hatisi kushungurudzwa nenzira ipi zvayo. Pamusoro pazvo, tose takanga tave zera rekuroorwa pavakatitora,” vanodaro Mai Phinisia Chikata.

Madzimai aMambo Marange vanonamatawo muchechi yeSDA.

Mwanasikana wamambo ava, Mai Edith Marange, avo vanonyanya kuzivikanwa nezita rekuti Ashe Marange sezvo vari mumwe wevatungamiriri vechidzimai vechivanhu vashoma munzvimbo iyi, vanoti zvakawanda zvakanakira kuzvarwa pabarika.

“Kuzvarirwa mumhuri ine barika hakusi kuti unenge uchingonyemwerera nguva dzose. Pane marwadzo anokutevera kana wakura, kunyanya kana amai vako vasina kukosheswa. Kunze kwaizvozvo, ini chokwadi handitende kuti madzimai anowana mukana wakaenzana wekodzero dzavo dzekuroorwa.

“Zvisinei, kana toreva nezvehuwandu uye kuva nemhuri yakakura, izvi ndizvo zvimwe zvakanakira kuyaruka uri mubarika. Ndaiva nevanin’ina nehanzvadzi vakawanda vainditsigira nguva dzose. Pamusoro pezvo, dai pasina barika, ndingadai ndisina kuzvarwa,” vanodaro.

Mambo Marange vanoti vachiri kutsvaga mamwe madzimai ekuti varoore sezvo vari kuda vamwe vana.

Mwana wavo wekutanga ane makore 69 okuzvarwa apo gotwe riine makore maviri chete.

Pavana vavo, 35 vanhukadzi apo vamwe vose vanhurume.

“Usamuti mwana wangu wekupedzisira. Haasi wangu wekupedzisira nekuti ndinoziva kuti pane zvakawanda zvichauya. Ndinoda vana vakawanda nekuti kubereka kunondifadza.

“Ndichiri kuda vana vakawanda sezvandiri kuda kuroora vamwe vakadzi vakawanda. Nemamwe mashoko ndichiri kutsvaga,” vanodaro Mambo Marange.

Share This:

Sponsored Links