Uncategorized

Mambo adzinga n’anga yeSodhoma neGomora ‘. . . anga apedza vakadzi vevanhu’

24 Nov, 2021 - 07:11 0 Views
Mambo adzinga n’anga yeSodhoma neGomora   ‘. . . anga apedza vakadzi vevanhu’

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MAMBO Nyamweda vekuMhondoro vanoti vakadzinga imwe n’anga kana kuti tsikamutanda ange anetsa nekutorera vanhu veko zvipfuyo zvavo, kukonzera kusawirirana pakati pemhuri nekuvapumha huroyi uyewo nekupfimba madzimai evanhu mudunhu irori.

VaNobert Musekiwa Mandaza, avo vanova sarapavana akafanobata chigaro chaMambo Nyamweda, vanoti vane mashoko akawanda akasvitswa kwavari nekuda kwen’anga inonzi Sekuru Sinyoro iyo yavanoti yakapinda mudunhu ravo zvisina mvumo yavo.

“Ndine n’anga inozviti Sekuru Sinyoro yandakapa mazuva matatu kuti itsvage rori itame mudunhu mangu nekuda kwemhosva dzine chitsama dzandakanzwa. Murume uyu nechikwata chake vakasvikogara mubhuku raShirichena vachiti vari kurapa vanhu uyewo vachiti vainge vaunzwa nesangano reZinatha kuzobatsira vanhu,” vanodaro Mambo Nyamweda.

Vanoti tsikamutanda uyu anga ave kupfimba madzimai evanhu nevanasikana vasati vabva zera uyewo nekuita marapiro asina hunhu kuvanhukadzi.

“Izvozvi (neChina chadarika) ndichitaura kudai vakatuta twavo. Nzvimbo iyi inozivikanwa nekunzi paMutamba kwaShirichena yanga yava Sodhoma neGomora pachiitwa chipfambi chemhando yepamusoro.

“Tine nyaya izvozvi yemwanasikana anonzi aidanana nevakomana vaishanda nen’anga iyi akarasa mwana waakaita pamuviri pasina kurongerwa,” vanodaro Mambo Nyamweda.

Vanoti tsikamutanda uyu akauya achida kubatsira mhuri yaSabhuku Shirichena ndokugara zvachose mushure mekunge apihwa pekuitira basa rake nasabhuku ivava.

“Hatidi zvinhu zvisina hunhu mudunhu mangu, takamudzinganisa uye ngaadzokere anoitira basa iroro kumusha kwake kana kumwe kwaanodiwa kwete muno maMambo Nyamweda.
“Tinoda kuti vanhu vose vane zvavanoziva zvakaipa vataure kwete kuzviviga,” vanodaro Mambo Nyamweda.

Tsikamutanda uyu anga apedza chidimbu chegore achigara panzvimbo iyi apo panonzi pairidzwa mbira nengoma mazuva ose vanhu vachigara vakararadza nedoro raibikwapo uyewo paine madzimai, varume, vakomana nevasikana vakawanda.
Kuungana hakusi kutenderwa munguva ino yechirwere cheCovid-19 sezvo kuita kwakadai kuchikonzera kutapuriranwa kwedenda iri.

Mambo Nyamweda vanoti pamuzinda watsikamutanda uyu panga pachionekwa pakazara mbudzi nehuku nezvimwe zvipfuyo izvo zvaitorwa muvanhu vachinzi varipe.

Share This:

Sponsored Links