Uncategorized

Mambo akarikitwa parufu

17 Apr, 2019 - 17:04 0 Views
Mambo akarikitwa parufu

Kwayedza

Michael Magoronga
YAKAVA batai-batai parufu rwemumwe murume kuZhombe nguva pfupi yadarika apo hama dzemushakabvu dzakapandukirana, ndokutanga kurwisana zvikazoita kuti vagumisire vabatanidzira namambo veko muzvimbokoma izvi, uyo wavakarova apo aiedza kuvarandudzira.

Izvi zvinonzi zvakaitika panhamo yaNkululeko Nkomo kuZhombe Mission apo Mambo Weight Gwesela vanonzi vakarohwa nevana vemufi pavaiedza kuvadzora kuti vasarova sekuru vavo – Jivava Nkomo – avo vaipomerwa mhosva yekukonzeresa rufu urwu.

Mumwe anoziva nezvenyaya iyi anoti nyonga-nyonga yakatanga apo Prince Nkomo naVusa Nkomo – vose vanova vana vemushakabvu – vakaedza kudzinga sekuru vavo parufu urwu vachivati ndivo vainge vakonzera kufa kwababa vavo.

Vaviri ava vanonzi vakazotangisa kurwisa Mambo Gwesela apo vaiedza kudzimura bongozozo iri.

Vamwe vanhu vakakuvara pabotso iri ndokutakurwa kuendeswa kuchipatara cheZhombe Mission Hospital zvikaita kuti mushakabvu azononoka kuvigwa.

“Mambo havana kunyanya kukuvadzwa asi vakarohwa nevana vemushakabvu avo vaive vakashatirwa. Vainge vachida kuita basa ravo rekuyananisa kuti nyaya iyi igadzirisike murunyararo kuitira kuti mufi avigwe zvakanaka asi vakazopindukirwa nenyaya vachibva varohwa ivo,” anodaro mupi wemashoko uyo akakumbira kuti zita rake risadurwe.

Nkululeko anonzi aishanda kuDistrict Development Fund (DDF) uye akashaya zvisina tsarukano mushure mekurwara kwenguva pfupi.

Mambo Gwesela vanoti ichokwadi kuti parufu urwu pakaitika mhere-mhere asi vanoramba nyaya yekuti ivo vakarohwa nevana vemushakabvu.

“Hongu pakaita bongozozo panhamo apo vana vainetsana nasekuru vavo vachida kuvarova saka ini ndakapindira mufi achibva avigwa hake zvakanaka,” vanodaro.

Mambo ava vanoti vanakomana vaviri vemushakabvu ava vachamiswa mudare ravo nekuda kwemhosva yekuita mhirizhonga parufu.

“Hongu, tinoda mombe mbiri maringe nehunhu hwakaipa hwavakaita kuitira kuti kuita kwakadai kusadzokororwe zvakare mudunhu muno. Vachamira mudare rangu nomusi wa28 mwedzi uno asi ndinoda kuti nyaya itange yamhan’arwa kumapurisa kuitira kuti vamiswe pamberi pematare edzimhosva nemhosva yekukonzera mhirizhonga.

“Ndinotoda kuti vapinzwe mujeri nekuti havangarambi vachiita zvakadai panguva iyo tiri kuedza kurwisa nyaya dzemhirizhonga,” vanodaro Mambo Gwesela vachiratidza kushatirwa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>