Uncategorized

Mambo akaroverwa kutsiudza ‘mini-skirt’

25 May, 2018 - 00:05 0 Views
Mambo akaroverwa kutsiudza ‘mini-skirt’ Mambo Siabuwa

Kwayedza

Whinsely Masara
MUSIKANA ane makore 17 okuberekwa akarova mumwe mambo wekuBinga nebhodhoro iro rakapwanyikira kumeso kwavo mushure mekunge vamutsiura apo ainge akapfeka kamini-skirt.

Mambo Siabuwa vakasara vakakuvara pasi peziso ravo rekurudyi apo vakatemwa nebhodhoro iri.

Vakasonwa masitichi (stitch) pakiriniki yeSiabuwa mushure ndokuzoendeswa kuchipatara cheBinga Distrcit Hospital kuti vanorapwa zvakare.

Tlou Dube — musikana achangobva kuBulawayo achinogara kwaSabhuku Zewula, kwaMambo Siabuwa — anonzi aifamba neshamwari yake iyo yakangozivikanwa saMbimbi apo akaita mashura ekurova mambo.

Masabhuku, masadunhu, madzishe nemadzimambo vatungamiriri vematunhu avo vanoremekedzwa zvikuru muZimbabwe sezvo vari ivo vachengetedzi vetsika nemagariro.

Mambo Siabuwa vakarohwa nemusikana uyu nemusi weChitatu wadarika panzvimbo yemabhizinesi yeSiabuwa Business Centre uye nyaya iyi yakatomhan’arwa kumapurisa eko.

Mambo Siabuwa vanoti vaiva panzvimbo yemabhizinesi iyi apo vakaona vanasikana vaviri ava vakapfeka “hembe pfupi-pfupi” zvisina kufanira patsika dzekuBinga, ivo ndokuenda pavaiva vachida kuvaudza kukosha kwakaita kupfeka zvakadzikama senzira yekuchengetedza hunhu netsika dzakanaka.

“Apo ndaitaura navo, Dube akabva atanga kufamba achibva pandaive, achitaurira shamwari yake kuti ibvewo uye irege kuterera zvandaitaura achiti zvainge zvisina musoro. Ndakamuudza kuti aende zvake kana aifunga kuti ndaitaura zvisina musoro asi orega mumwe wake aterere zvandaireva.

“Ndakazvizivisa kuti ndini ani, ndokuburitsa bheji rangu rehumambo ndichifunga kuti pamwe vaisandiziva kuti ndini ani.

“Dube akaramba achidevedzera kuna Mbimbi ndokuzodzoka apo taive timire, achibva anhonga bhodhoro redoro raive risina chinhu pasi iro akanditema naro kumeso.

“Ndinongovimba kuti vechidiki vachapangwa mazano zvakazara kuitira kudzoreredza hunhu netsika dzavo izvo vanoratidza kuti varasika zvachose,” vanodaro Mambo Siabuwa.

Vanoti vakange vaona kuti maitiro evasikana vaviri ava aive asina hunhu apo vakazama kuvapanga mazano, vachibva varohwa.

“Vanasikana ava vaifamba pajekerere, panzvimbo izere vanhu vakapfeka zvisina hunhu nekudaro ndakaedza kuvayambira kuitira kuti vange vachizvichengetedza kubva mukumbunyikidzwa nevanhurume. Mumagariro netsika dzedu, vanhukadzi havatarisirwe kunge vakapfeka zvakadaro,” vanodaro mambo vekurohwa ava.

Mambo Siansali, avo vanove zvakare Senator mudare reSenate, vanoti Dube akabva kuBulawayo achinogara naambuya vake mubhuku raZewula.

Vanoti zvichida musikana uyu haazive musiyano uripo pahunhu netsika zvinotarisirwa pakati pemunhu anogara kuBulawayo nekuBinga.

“Anogona zvakare kunge asina kuziva hukoshi hwemunhu anonzi mambo semutungamiriri wenharaunda. Mapfekero avo haaenderane nezvinotarisirwa munharaunda yedu yeBinga saka mambo vakaedza kuvapa yambiro nedonzvo rekuvachengetedza sezvo riri iro rimwe remabasa evatungamiriri vematunhu.

“Zvakaitwa nemusikana uyu hazvikurudzirwe. Hazvisati zvambonzwikwa mutsika nemagariro edu. Zvinogona kunge zvakakonzerwa nekuraswa kuri kuitwa tsika dzedu, vanhu vachitevera tsika dzekune dzimwe nyika,” vanodaro Mambo Siansali.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey