Mambo anzi adzose mombe, US$1,2k

09 Nov, 2023 - 19:11 0 Views
Mambo anzi adzose mombe, US$1,2k Mambo Nyamaropa

Fungai Lupande

DARE reBindura Civil Court rati Mambo Nyamaropa vadzosere mombe neUS$1 200 izvo zvakatorwa nechisimba kune mumwe mudzimai wemudunhu ravo, mushure mekunongedzerwa pfuti, semendenenzi yekuchengeta vana vemukadzi wechipiri wemurume wake.

Mutongi Musika vasendeka padivi mutongo waive wapihwa naMambo Nyamaropa nemusi wa30 Kubvumbi gore rino, ndokuti ishe ava vadzosere mombe neUS$50 zvekare izvo zvakatorwa kuna Judith Gonye munaMbudzi 2022.

Dare iri rakatiwo Mambo Nyamaropa vadzosere US$1 150 iyo yakapihwa kujinda ravo guru rinoona nezvezvikonzi rinonzi Godfrey Chari mukati memazuva makumi matatu ari kutevera.

Gonye, uyo aimiririrwa naMai Priscilla Muchada veLegal Aid Directorate, akaenda kudare repamusoro iri achida kuti adzoserwe pfuma yake.

Izvi zvakaitika mushure mekunge Loice Mukumba, uyo akaroorwa nemurume mumwechete naGonye, awana gwaro remendenenzi kwaMambo Nyamaropa reUS$80 pamwedzi achipomera murume wavo, Rayson Bhobho, kusachengeta mhuri yake.

Mushure mekuroora Mukumba, Bhobho akashaya hanya nemukadzi wake wekutanga — Gonye nevana vavo vatatu.

Mambo Nyamaropa vakanzi nedare vadzosere mombe neUS$1 200 izvo zvakatorwa nechisimba kune mumwe mudzimai wemudunhu ravo.

Magwaro edare anoratidza kuti Gonye akazotama muguta akanogara kumusha kwemurume wavo kwaSabhuku Takawira, kuShamva.

Muramu wake akamubatsira kuti agadzikane ndokumudzidzisa kurima fodya.

Izvi zvakaona Gonye achisimukira muupenyu hwake kusvikira atenga mombe dzake shanu uye ndokudzinyoresa pakadhi rezvipfuyo remuramu uyu.

Bhobho akazopererwa nebasa akasiya mudzimai wechipiri ndokunogara kuSouth Africa uko anonzi ari kugara nemumwe mukadzi zvekare.

Mukumba akazonogara mumusha mumwe chete nemukadzi mukuru uyu uye mushure mekuona kubudirira kweupenyu hwaGonye neamari yaaiwana kubva mukurima, akaita ruchiva ndokubva aenda kudare raMambo Nyamaropa achida kuti amubhadhare mendenenzi.

Izvi zvakaita kuti Gonye atorerwe mombe yake neUS$50 munaMbudzi gore rakapera.

Nemusi wa30 Kubvumbi gore rino, Mukumba akati anoda imwezve mari yemendenenzi US$480, US$110 yechikwereti, US$150 yechikoro neUS$330 yaaida kubhadharwa.

Nhume dzaMambo Nyamaropa, Chari nemumwe akangozivikanwa saHwata, vakaenda kudanga kwaGonye ndokunotora mombe dzakanga dzasara sechikonzi.

Havana kuwana kudanga uku kuine mombe zvikaita kuti vaburitse pfuti yavakanongedza kuna Gonye vachimuti adzokere kumba avape mari.

Vakatakura nechisimba mabhero gumi efodya yake egiredhi rekutanga ndokumupa maawa 48 okuunganidza mari yacho.

Akabva abhadhara US$1 150, kusanganisira mari yekuchengetedza kuti adzorerwe mabhero efodya aya.
Gweta raGonye, Mai Muchada, vaudza dare kuti madzishe haana masimba ekutonga nyaya dzemendenenzi.

Vanoti kunongedzera munhu nepfuti imhosva, Chari naHwata havazi ma”chief messengers” uye vateresi vezvikwereti havazi pasi pemutemo weTraditional Leaders Act kana Customary Law and Local Court Act.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey