Mambo odzidzisa vana tsika nemagariro

06 Jul, 2018 - 00:07 0 Views
Mambo odzidzisa vana tsika nemagariro

Kwayedza

MAMBO Njelele vekuGokwe nemudzimai wavo vari kurwisa nyaya dzekuroodzwa kwevanasikana vari pasi pezera uyewo nekuti vapihwe kodzero dzakaenzana nevanakomana munyaya dzedzidzo.

Pamusoro pezvo, vari kukurudzira kuchengetedzwa kwetsika dzechivanhu zvisingabvumidze vana kurara nevabereki mumba mumwe chete – vangava vasikana kana vakomana.

Mambo Njelele, VaMisheck Njelele, vari kutungamirira zvirongwa zvekudivi rekuvakomana apo mudzimai wavo – Mai Virginia Njelele – vachitungamirira divi revanasikana.

Mai Virginia Njelele (kuruboshwe) vaine vamwe vatungamiriri nevanasikana vavanodzidzisa tsika nemagariro echivanhu. — Mifananidzo Memory Mangombe

“Ini ndiri kunyanya kumirira kudivi revanakomana, amai vachibatsira vanasikana zvinova zvirongwa zvinobata nyaya dzimwe chete dzekudzosera chivanhu panzvimbo vana vorega kukanganiswa upenyu hwavo,” vanodaro mambo ava.

Mambo Njelele vanoti vari kushanyira muzvikoro vachipihwa mikana yekutaura nevana vachivadzidzisa kuzvichengetedza nekuziva zvakaipa pamiviri yavo.

“Ini saMambo Njelele, ndiri kushanda nesangano rakazvimirira rekunyika yeSweden, reSwedish International Development Co-operation Agency, apo tinovataurira kuti vanasikana havafanirwe kurara nevakomana mudzimba dzimwe chete, uyewo vose vakomana nevasikana havafanirwe kurara mudzimba dzimwe chete nevabereki vavo,” vanodaro.

Vanoti vari kushandawo nevabereki nemasabhuku vachikurudzira kuchengetedzwa kwetsika dzechivanhu.

“Tinoshanyira zvikoro tichipihwa mikana yekutaura nevanakomana tichivaudza kuti vasatambe nevanasikana zvisizvo, vachiziva pekugumira. Vabereki tiri kuvakurudzira kuti vavake dzimba dzinokwanirana vanakomana nevanasikana pamisha kuti vasarare pamwe chete,” vanodaro.

Mai Virginia Njelele

Mai Njelele vanotiwo vari kushanda nesangano reGirls Legacy pakushambadza kodzero dzemwanasikana kuti dzicherechedzwe pamwe nekuenzaniswa kwemikana pakati pavo nevanakomana.

“Tiri kuti vanasikana havasi madzimai asi kuti vana, angowanikwa achitora mwanasikana ari pasi pezera kumuita mudzimai ngaaende zvake kuchizarira.

“Vanasikana ava tinovaunganidza padare ramambo tichivadzidzisa kodzero dzavo dzekuti hakuna murume anosvika pavari achivabata-bata kana kutaura mashoko asina maturo,” vanodaro.

Vanoti mumusha woga-woga vane mumiriri wesangano ravo.

Share This:

Sponsored Links