Mambo Samuriwo vashaya

10 Sep, 2024 - 20:09 0 Views
Mambo Samuriwo vashaya Mambo Samuriwo

Abel Ndooka

MAMBO Samuriwo – VaGibson Muza Bidi – vekwaChihota, kuMashonaland East, vashaya.

Mambo Samuriwo vakashaya musi wa31 Nyamavhuvhu mushure mekunge varwara kwenguva refu.

Vari kutarisirwa kuvigwa mangwana kuMahusekwa, kwaChihota, kwavange vachigara.

Vachizivisa nezverufu rwaMambo Samuriwo, District Administrator weMarondera Rural District Council, VaClemence Masawi, vanoti Mambo Samuriwo vakashaya mushure mekunge varwara kwenguva refu.

Vanoti Mambo Samuriwo munhu aikoshesa tsika nemagariro evanhu vatema uye kushaika kwavo dunhu rose reMashonaland East rarasikirwa zvikuru.

“Tarasikirwa zvikuru nekushaya kwaita mambo vedu Mambo Samuriwo nekuti ndiye aive mumwe wevakuru vedu muno.

“Mambo Samuriwo vaishanda zvakanaka nevanhu vose uye vaikoshesa tsika nemagariro evanhu vatema uye vaive pamberi pakuona kuti nzvimbo dzinoyera dzachengetedzwa zvose nekukosheswa.

“Tiri kutarisira kuvachengeta mangwana,” vanodaro VaMasawi.

Mambo Samuriwo

Chimwe chizvarwa chekuMashonaland East – Paul Goto – anoti nyika yarasikirwa zvikuru nekushaika kwaMambo Samuriwo.

“Mambo Samuriwo munhu aive nerudo, aishanda nevanhu vose zvakanaka. Isu vana vavo tarwadziwa zvikuru nekutisiya kwavaita uye tinovimba kuti dzidziso yavakatipa ichatibatsira kuti tibudirire sevana vanobva muMashonaland East,” anodaro Goto.

Mambo Samuriwo vakazvarwa mugore ra1936.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey

×

ZTN Feedback Survey

ZTN

Scan the QR code on the poster or click the link below to share your thoughts.

Take Survey