Uncategorized

Mambo voregerera ‘sisi’ vekuvarovera ‘mini-skirt’

08 Jun, 2018 - 00:06 0 Views
Mambo voregerera ‘sisi’ vekuvarovera ‘mini-skirt’ Mambo Siabuwa

Kwayedza

Leonard Ncube ari kuVICTORIA FALL
MAMBO Siabuwa (52) vekuBinga, vanoti vakaregerera musikana ane makore 17 okuberekwa, uyo akavarova nebhodhoro rikapwinyikira kumeso kwavo mushure mekunge vamutsiura apo ainge akapfeka kamini-skirt. Mambo Siabuwa vakasara vakuvara pasi peziso ravo rekurudyi apo vakatemwa nebhodhoro nemusikana uyu zvikaita kuti vanosonwa pakiriniki yeSiabuwa vasati vazoendeswa kuchipatara cheBinga District Hospital kuti vanorapwa zvakare.

Mambo Siabuwa – avo vanova murairidzi pachikoro cheSiabuwa Primary School, vanoti vakazofunga zvekuregerera musikana uyu, Tlou Dube – uyo ari kuita Fomu 4 paSinansengwe Secondary – mushure mekunge vazoziva kuti vane hukama naye sezvo ari muzukuru wavo uye nekutiwo chiitiko ichi chakamushungurudza zvikuru.

Zvisinei, Mambo Siabuwa vanoti vari kushushikana zvikuru nekuraswa kuri kuitwa hunhu nevamwe vechidiki.
Vanoti kudai nyaya iyi yakaenderera mberi – sezvo vaive vaimhan’ara kumapurisa – yaigona kuzokonzera kupatsanuka kwemhuri yavo.

“Ndakashatirwa apo ndakaenda paaive mushure mekunge ataurira shamwari yake yaaive nayo kuti irege kuterera zvanditaura achiti zvaisava nemusoro. Chinangwa changu chaive chekumupa yambiro sezvo riri iro basa rangu semurairidzi uye samambo.

“Akanhonga bhodhoro raive risina chinhu ndokundirova naro pasi peziso rekurudyi apo aive pedyo pedyo neni,” vanodaro Mambo Siabuwa.

Vanoenderera mberi vachiti, “Ndakabva ndatyaira mota yangu kuenda kukamba yemapurisa zvikaita kuti musikana uyu asungwe. Ndakazoshamisika apo takasangana parufu rwaamai vangu avo vanove mbuya vake nerimwe divi. Akandikwazisa uye ndokundibvunza kana ndainge ndaziva kuti aive ani apo aipisa tsitsi achiratidza kuti kurova kwaakandiita akakanganisa zvikuru. Ndakabva ndazonobvisa nyaya iyi kumapurisa kwandainge ndaimhan’ara.”

Dube akarova Mambo Siabuwa nebhodhoro apo vakange vamutsuira iye neshamwari yake yakangozivikanwa saMbimbi apo vaifamba vakapfeka tumini-skirt panzvimbo yeSiabuwa Business Centre masvondo maviri adarika.

Mambo Siansali, avo vanove Senator zvakare mudare reSenate, vanoshora zvakaitwa nemusikana uyu vachiti zvinoratidza kurasa hunhu pamwe nekushaya rukudzo nemadzimambo.

“Zvakaitwa nemusikana uyu hazvikurudzirwe. Hazvisati zvambonzwikwa mutsika nemagariro edu. Zvinogona kunge zvakakonzerwa nekuraswa kuri kuitwa tsika dzedu, vanhu vachitevera tsika dzekune dzimwe nyika,” vanodaro Mambo Siansali.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey