Mambo votenda kambani nekuunza budiriro

13 Jun, 2022 - 17:06 0 Views
Mambo votenda kambani nekuunza budiriro Mambo Marozva

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MAMBO Marozva vekuBikita, kuMasvingo vari kurumbidza kambani itsva yezvicherwa yava pamugodhi weBikita Minerals uyo wava kuzivikanwa nekunzi Sino Group of Mines vachiti yaunza budiriro pamwe nekuwanikwa kwemabasa mudunhu ravo.

VaIshmael Mudhe, vanova Mambo Marozva vanoti vari kutambira nemufaro mukuru kumutsiridzwa kwemugodhi wainge wavharwa uyu.

“Mumugodhi uyu munocherwa lithium chinova chicherwa chakakosha zvikuru munyika muno nekunze,” vanodaro.

Mambo ava vanoti kambani itsva iyi, iyo isati yasvitsa mwedzi mishanu yavhura mugodhi uyu, yaunza budiriro kuvagari vemudunhu ravo neMasvingo yose sezvo yakatopinza mabasa vashandi vanodarika 200.

“Tine vana vakapedza zvikoro muno vava kubatsirika nekuvhurwa kwemaugodhi uyu. Vakavhurawo nzvimbo itsva yekushandira iyo ichatora vanhu mazana mana uyewo kana yava kushanda zvizere, tinonzwa kuti ichapinza mabasa vanhu vanodarika 1 000.”

Mambo Marozva vanoti kuvhurwa kwemugodhi uyu kuri kubatsira vechidiki vakawanda kuti vasiyane nekutora zvinodhaka nekuda kwekushaya zvekuita sezvo vari kupinzwa mabasa.

“Inyaya yatinokurudzira nguva dzose kuti mabasa anokodzera kupihwa vana vemuno ngavatange kupihwa nekuti tinavo vakapedza chikoro nevakaita makosi akasiyana. Tine kudyidzana kwakanaka nevakuru vekambani iyi avo vakatotanga kutibatsira muno.

“Semuenzaniso, tine kiriniki yeShumbaimwe yainetsekana nekuwana magetsi uko kambani yeSino Group of Mines yakatiisira magetsi anoshandisa simba rinobva muzuva,” vanodaro.

Mambo Marozva vanoenderera mberi vachiti, “Kambani iyi yakatangisa zvakare chirongwa chekupa mahewu muzvikoro zvedu zvemapuraimari zvose zviri mudunhu reBikita. Iri idanho guru sezvo zvava kuita kuti vana vafarire kuenda kuchikoro vachiziva kuti kune chekudya. Tinotarisira kuti kambani iyi icharamba ichiwedzera rumwe rubatsiro rwakasiyana muno.”

Vanokurudzira mamwe makambani ari kushandira muBikita nemunzvimbo dzakasiyana muMasvingo kuti vatevedzere Sino Group of Mines mukusimudzira matunhu avanoshandira.

“Tine hurukuro nekambani iyi yekuti ipindewo muchirongwa chekubatsira vamwe vana vanobva kumhuri dzinotambura nemari yechikoro zvisinei nekuti BEAM iri kubatsirawo vamwe vevana ava,” vanodaro Mambo Marozva.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey