Mambo Zimunya votora matanho

28 Nov, 2020 - 07:11 0 Views
Mambo Zimunya votora matanho Mambo Zimunya

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MAMBO Zimunya vekwaMutare, vanoti mudunhu ravo vari kucherechedza mazuva gumi nematanhatu ekurwisa kushungurudzwa kwevanhukadzi pasi rose (16 Days of Activisim Against Gender Based Violence) panguva iyo vakatarisana zvakare nematambudziko aunzwa nechirwere cheCovid-19.

VaKiben Bvirindi avo vanova Mambo Zimunya vanoti mhosva dziri kuuya kudare ravo dzekushungurudzwa kuri kuitwa vanhukadzi kubvira pakatanga denda reCovid-19 muno mumwedzi waKurume gore rino dzakawanda.

“Mhemberero idzi ndedzekutanga tiri mukati mekurwisana nechirwere cheCovid-19 apo kuno kudunhu rangu gore rino ndakawana mhosva dzakawandisa dzekurwiswa kwemadzimai mudzimba nekushungurudzwa kwakasiyana uyewo nevanasikana zvichikonzerwa nevanhu vavanogara navo,” vanodaro Mambo Zimunya.

Vanoti vari kucherechedza mazuva aya mudunhu ravo vaine dingindira rinoti, “Mudzimai Munhuwo Sewe”.

Mambo Zimunya vanoti vane mhosva dzinodarika zana dzekushungurudzwa kwemadzimai nevanasikana mumisha yavanogara idzo dzakaunzwa kudare ravo.

“Dare rangu rine madzimai akawanda akauya kuzopotera vachimhan’ara mhosva dzekurohwa nevarume uyewo vanasikana vanoti vakarohwa nanababa, hanzvadzi nedzimwewo hama dzechirume kana kushungurudzwa nevavakidzani nenzira dzakasiyana dzinosanganisira kutukwa nemashoko anorwadza. Tiri kuripisa vapari vemhosva dzakadai,” vanodaro Mambo Zimunya.

Vanoti vari kushanda pamwe chete nemasangano anorwira kodzero dzevanhukadzi.

“Dzimwe dzenyaya dzatinobata tikaona kuti dzakanyanya tinodziendesa kumapurisa vapari vemhosva ava vosungwa voendeswa kumatare. Donzvo redu pakutsigira chirongwa chemazuva 16 ekurwisa mhirizhonga kuvanhukadzi kuti vapihwe kodzero dzavo zvizere munzvimbo dzavanogara pasina kushungurudzwa,” vanodaro Mambo Zimunya.

Mazuva 16 aya anocherechedzwa kubva musi wa25 Mbudzi kusvika 10 Zvita gore negore.

Share This:

Sponsored Links