Mamiriro ebvunzo

09 Nov, 2018 - 00:11 0 Views

Kwayedza

naMunyaradzi Gunduza

KUNE avo vose vari kuita zvidzidzo zveChiShona neboka rinotungamira zvebvunzo reZimbabwe School Examinations Council (ZIMSEC) padanho rino panonyorwa mapepa maviri chete.

Kune pepa rekutanga (3159/1), rine zvikamu zvitatu chete rinonyorwa kwemaawa maviri. Chikamu chekutanga chinenge chiine mibvunzo yerondedzero mishanu apo munyori anofanira kusarudza mumwe chete kubva pane inenge yakapiwa inonyorwa muChiShona chamandorokwati iri rondedzero, hurukuro kana tsamba ina mapeji anokwana matatu uye mubvunzo mumwe nemumwe uri muchikamu ichi unotakura zvibodzwa makumi mashanu [50 marks].

Muchikamu cherondedzero munotarisirwa kuziva mazwi anobatanidzwa neanopatsanurwa, zviperengo, kugona kuronga nyaya, kushandisa mutauro weShona, kushandisa zvirungamutauro setsumo, madimikira, nyaudzosingwi kuitira kuti chinotaurwa chinyatsobuda pachena.

Zvakanaka kusarudza musoro werondedzero waunoona kuti unogona kuunyora zvakanaka kwete kuzofunga zvekushandura musoro werondedzero wave pakati pebvunzo.

Muchikamu chepiri mune zvirungamutauro zvine zvibodzwa makumi maviri, asi pamibvunzo inopiwa muchikamu chino zvakare unotenderwa kusarura yakakupfavira pane inenge yakapiwa. Chikamu chekupedzisira chinenge chine nzwisiso nepfupiso.

Mibvunzo yenzwisiso inopindurwazve neChiShona chakanaka, uye chikamu ichi chinopindurwa nemunyori wese webvunzo dzeShona padanho rino. Nzwisiso ine zvibodzwa makumi maviri, ukuwo pfupikiso ine gumi, zvese zvibodzwa zvechikamu ichi zvobva zvasvika makumi matatu.

Kupepa iri mibvunzo yese inofanira kupindurwa neChiShona chete. Pepa rese iri rine zvibodzwa zana [100 marks].

Kupepa rechipiri (3159/2) kune zvikamu zviviri, chemutauro necheuvaranomwe.

Vanyori vanosungirwa kupindura mibvunzo mishanu chete kubva pane inenge yakapiwa.

Muchikamu chemutauro munopindura mibvunzo miviri chete kubva paina inenge yakapiwa. Mubvunzo mumwe chete muchikamu ichi unotakura zvibodzwa gumi nezviviri nekachidimbu. Zvino, kana ichinge yakwana miviri inobva yasvika pazvibodzwa makumi maviri nemashanu [25 marks].

Nekudaro, zvese zvinosanganisa chikamu cheuvaranomwe, ndizvo zvamanga muchidzidziswa mugwaro rino kubva kwekutanga kusvika kuno kumagumo, saka harifaniri kuva dambudziko kutora zvibodzwa zvese zvekuuvaranomwe.

Share This:

Sponsored Links