Mamiriro ebvunzo dzeuvaranomwe

26 Nov, 2021 - 15:11 0 Views
Mamiriro  ebvunzo dzeuvaranomwe

Kwayedza

naMunyaradzi Gunduza

UVARANOMWE hunowanikwa hune mapepa maviri, rekutanga nerechipiri. Pepa rekutanga rinenge rine nhetembo dzamakaverenga munaMutakunazva wenhetembo naRukuvhute. Unopihwa awa rimwe chete nemaminitsi makumi matatu kupindura mibvunzo miviri mupepa rino. Mamakisi ako ese i50.

Mabhuku aya anenge akaiswa muchikamu chimwe chete uye munosungirwa kupindura mubvunzo mumwe chete kubva murimwe chete remabhuku aya. Nhetembo dzacho dzinenge dzichibata zvinhu zvakasiyana-siyana zvingave zvinoenderana neupenyu hwanhasi kana hwanezuro.

Chikamu B chinenge chine mabhuku ane ruzivo rwepasichigare akaita saZviera ZvaVaShona naNgano. Muchikamu chino zvakare unosungirwa kupindura mubvunzo mumwe chete unoenderana nebhuku racho.

Izvi ndizvo zvikamu zviviri zvinowanikwa kubepa rekutanga.
Pepa rechipiri rinenge rine mabhuku emitambo nenganonyorwa. Unopihwa awa rimwe chete nemaminitsi makumi matatu zvakare kupindura mibvunzo yese yaunosangana nayo mupepa rino. Kupepa iri tinowanawo zvikamu zviviri.

Chikamu chekutanga chine bhuku remitambo (drama) rinoti, Tsano. Iwe unosungirwa kupindura mubvunzo mumwe chete unobva mubhuku rinenge rakapihwa.

Pabhuku iri panenge pane mibvunzo mitatu yaunokomekedzwa kuti unge uchiverenga yese wopindura mumwe chete.

Chikamu chepiri chinoita mabhuku enganonyorwa. Muchikamu ichi unosungirwa kupindura mubvunzo mumwe chete kubva kubhuku rimwe chete rinenge rakakurerukira kubva pane anenge akapihwa. Mabhuku acho anosanganisa Gona Rechimurenga naManyambiri.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>