Mamiriro ebvunzo dzeZIMSEC

10 Apr, 2020 - 00:04 0 Views
Mamiriro ebvunzo dzeZIMSEC

Kwayedza

Munyori weKwayedza
BAZI redzidzo yepuraimari nesekondari rinozivisa vabereki nevamwe kuti gadziriro dzebvunzo dzemunaChikumi nedzemunaMbudzi dziri kufambira mberi.

Zvisinei, nekuda kwedanho rakatorwa nemutungamiri wenyika President Mnangagwa rekuti vanhu vagare mudzimba kwemazuva 21, gurukota rebazi iri, Cde Cain Mathema vanoti:

“ZIMSEC yaronga dandemutande (electronic platform) apo pachaiswa mazita evachanyora bvunzo uye neumboo hwekuti vakabhadhara mari dzebvunzo dzaChikumi kana dzemunaMbudzi. Kumuzinda weZIMSEC kwava nenhare dzichabatsira vakuru vezvikoro kana vakaita dambudziko nedandemutande iri.

“Vari kuda kuzonyora bvunzo havafanirwe kuenda kwavanoda kuzonyorera (examination centres) kuti vanoona kana vakanyoreswa nekuti vachazozviona pagwaro rinovatendera kupinda mubvunzo (statement of entry). Vakuru vezvikoro vane dambudziko nehurongwa uhu vanokurudzirwa kuridza nhare dzinoti 08080147, 0242304552/4, 0242302622/4 kana dzeWhatsApp dzinoti 0772148786.”

Share This:

Sponsored Links