Mamiriro ekunze

08 Nov, 2019 - 00:11 0 Views
Mamiriro ekunze

Kwayedza

KUNZE kunotarisirwa kunge kuine zuva uye kuchipisa zvikuru munyika yose kubva nemusi weChitatu.

Kunyangwe zvazvo kugadzirira minda kwakakosha panguva ino, avo vanoshandira pamhene nevamwe vanenge vachiita zvakasiyana vanokurudzirwa kuti vagare vachinwa mvura yakawanda.

Kana zvichibvira, veruzhinji vanokurudzirwa kugara vakafuga maamburera kana kupfeka nguwani dzinodzivirira kutsva nezuva.

Garai muchiona kuti vanhu vakaita sevana, varwere nevakwegura havazi kushomekerwa nemvura mumiviri yavo.

Nemusi weChina, kunze kunotarisirwa kunge kusina makore munyika yose.

Zvisinei, kunzvimbo dzinosanganisira Beitbridge, Chiredzi neChipinge kunotarisirwa kuti kuchange kwotanga kutonhorera munguva dzemanheru.

Chiziviso: Kubatidza moto panzvimbo yakakura nechinangwa chekuda kuchenesa nzvimbo imhosva inoendesa munhu kujeri. Tsvagai mazano kubva kune veEMA kana kuvashandi veAgritex kuti mugoudzwa nzira kwadzo dzekuchenesa nzvimbo yamunenge muchida kurima. —  Meteorological Services Department.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>