Mamiriro ekunze akakosha kumurimi

24 Aug, 2018 - 00:08 0 Views
Mamiriro ekunze akakosha kumurimi Vashandi vesangano reEnergy Technology Institute vachifundisana maringe nekuiswa kwemagetsi anobva muzuva mudzimba nemumaindasitiri. Simba remagetsi anobva muzuva rakakosha zvikuru nekuti harisvibise nharaunda uye riri nyore kuwana pasina kubvisa miripo yakawanda.

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
VARIMI vokurudzirwa kushandisa nzira dzakanaka mukuita mabasa avo idzo dzisingakanganisi mamiriro ekunze sezvo kusanduka kwekunze kuri kudzosera kumashure zvikuru nyaya dzekurima.

Kurudziro iyi yakaitwa nevatauri vakasiyana pamusangano wakaitwa nemakambani anogadzira zvinhu zvinoda rubatsiro rwesimba remagetsi rinobva kwakadai semuzuva, mumvura nemundove (bio-gas) muguta reHarare.

Vachitaura pachiitiko ichi, VaWellington Madumira vanove murongi mukuru kusangano reZERO Regional Environment Organisation vanoti Hurumende yakauya nechirongwa cheNational Determined Contribution (NCDs) nechinangwa chekuderedza kusvibiswa kuri kuitwa mhepo nechikamu che33 percent mugore ra2030.

“Masango ari kuparara apo vanhu vanotema huni dzekushandisa mudzimba mukubika nemamwe mabasa. Varimi vefodya vari kutema miti yakawanda kwazvo gore negore apo vanenge vachipisa fodya yavo izvo zvinosiya nyika yangova gwenga. Zvakakosha kuti vanhu vari munharaunda dzakasiyana vange vachidzidziswa nezvenzira dzinovawanisa simba remagetsi rinoendeka uye risingadhure dzakadai sekushandiswa kwesimba remagetsi rinobva muzuva, mundove, mumhepo kana mumvura,” vanodaro.

VaMadumira vanoti sangano ravo rine zvirongwa zvakawanda zvariri kuita mumatunhu akasiyana apo vanofundisa varimi nezvekukosha kwekuchengetedzwa kwemasango uye kushandiswa kwesimba remagetsi rinobva pakasiyana.

Vanoti mugore ra2012 Hurumende yakaparura gwaro rine donzvo rekuona kuti chikamu che40-80 percent chevanhu vawane simba remagetsi rinobva munzira dzakasiyana.

“Tiri kushanda pamwe nesangano reEnvironmental Management Authority (EMA) apo tinobatsira vanhu munharaunda dzatiri kuita mabhindauko kuti vange vachiisirwa mabiogas nemasolar nekuti zvinobatsira mukuchengetedzwa kwenharaunda,” vanodaro.

Vachitaura pachiitiko chimwe chete ichi, VaJulius Madzore vanova climate expert kusangano reEnergy Technology Institute vanoti vanokurudzira varimi kuti vashandise simba remagetsi rinoendeka pamwe nekurima kwakanaka kusingasvibise nharaunda.

“Tinoda kuti tikwanise kuzadzikisa chinangwa chedu chegore ra2030 chekuderedza kusvibiswa kwemhepo nekuda kwekushandiswa kwezvinhu zvakadai sehuni, marasha, mishonga inoshandiswa mukurima nezvimwe nekuti ndizvo zvinokonzera kusanduka kwemamiriro ekunze. Kusanduka kwemamiriro ekunze kunogona kuuya nenzira yekuwandisa kwemvura yemudenga, kushomeka kwayo, kupisa kana kutonhora kwakanyanya zvinova zvinokanganisa raramo yevanhu, zvipfuyo nezvirimwa,” vanodaro.

Vanoti kusvibiswa kwenharaunda, zvikuru sei mumaguta, kuri kukonzerwa nekuwanda kuri kuita vanhu apo vanotama vachibva kumaruwa vachiuya kumaguta kunotsvaga chouviri uye kuwanda kwemaindastiri anobuditsa hutsi hwakawandisa.

Gungano iri rakarongwa nesangano reZero Regional Environmental Organisation rakabatana nereBusiness Council for Sustainable Development in Zimbabwe.

Mamwe makambani aive pagungano iri anosanganisira Lafarge Cement, Schweppes Zimbabwe Limited, Hullets, Delta Corporation, Unilever neTurnall Holdings.

 

Share This:

Sponsored Links