Mamiriro emwaka yegore

28 Sep, 2018 - 00:09 0 Views

Kwayedza

Ticha Danga
HUTSANZI hwaMusikavanhu hunobuda zvakare pachiitiko chakakosha chinoitika gore rega uye zvisingashanduki. Mugore tinowana pachiita shanduko kumamiriro ekunze zvichienderana nekuti tava munguva ipi.

Kune shanduko ina dzinoitika mumwedzi yegore. Shanduko idzodzo ndidzo dzinotipa mwaka mina yepagore. Mwaka iyi inoti Zhizha kana kuti Maenza, kwoya Matsutso ayo anoteverwa neChando kozouya Chirimo.

Mumwaka iyoyi iri mina mune zvakasiyana zvinoitika zvinoita kuti upenyu hwevanhu nemhuka hufambe mutserendende.

Kubudikidza nekuziva zvose zvinoitika mumwaka iyi, vanhu vanoita gadziriro dzinoenderana nemwaka.

Mwaka weZhizha unobatwa kana kuti unoputira mwedzi mitatu yegore inoti Mbudzi, Zvita naNdira. Mumwaka uyu mvura yemunhuruka inonaya. Kazhinji inonaya kutanga kwaMbudzi. Ndiyo mvura yokutanga iyo varimi vanoshandisa pakukavira nekudyara mbesa.

Nekufamba kwenguva tichipinda munaZvita, mvura zhinji yekukudza mbesa inobva yambotsitsana kunaya. Sora rinoita nhangemutange nechibage nedzimwe mbesa pakukura nokudaro vanhu vanopinda mubishi rekusakura nekudzurira masora.

Munguva iyi shiri dzinobva mhiri kwemakungwa, dziya dzinonzi mashuramurove, dzinouya dzichiswera dzichidya mhashu nezvitototo kumakura kunofudzirwa mombe. Twukara twunonanaira twunozvarana twowanda.

MunaNdira munozvarwa twupuka twutema twunonzi ndira utwo twunonanaira nekunamatira pamatombo. Mbesa dzinenge dzisati dzaibva nekudaro nzara inenge ichibvunza vanhu mitupo.

Mwaka wepiri ndiMatsutso. Matsutso anotora mwedzi mitatu inoti Kukadzi, Kurume naKubvumbi. Munguva iyi mbesa dzinenge dzasvika kana kuti dzakora. Maguta anenge avako uye ndiyo nguva inotanga kukohwewa zvirimwa muminda.

Tsapi nendyanga zvinotanga kuvakwa kuitira pekuzochengetera goho. Ndipo panogadzirwa tsero, tswanda nemasandanga zvekuzoshandisa kutakurira zvirimwa zvinenge zvabviswa muminda.

Munguva iyi chisi chinorega kuyera. Zvekudya zvinova saraude apo mbeva dzinenge dzocherwa, misungo nemadhibhura zvekubata mhuka zvichiteiwa.

Tinobva tapinda mumwaka weChando. Ndimo munowanikwa mwedzi inoti Chivabvu, Chikumi naChikunguru. Munguva iyi mvura yemadziurachando inonaya. Mabasa ekukohwa anoenderera mberi nekuti kucheka zviyo, mupunga, mhunga nemapfunde kunenge kusati kwapera.

Tsapi dzinenge dzichipedziswa kugadzirwa uye ndiyo nguva inomorwa uchi nyuchi dzisati dzamwa huchi hwadzo. Shiri dzinenge dzichiuya kumakoto nokudaro ndiyo nguva yekuteya urimbo.

Vanhu vanotema huni dzekuzodziya kana chando chofuridza. Zvirimwa zvinoiswa mumatura mombe dzosairirwa.

Mwaka wekugumisira Chirimo apo vana muvengabadza vanoswaradza nekuti mabasa emuminda anenge ava mashoma.

Mombe dzinenge dzosairirwa nokudaro vafudzi vemombe vanenge voswerosika nyimo mumakura nekutamba nhabvu. Mvura yeGukurahundi inonaya.

Ndiyo zvakare nguva inorohwa makuva. Zvikomana nezvisikana zvinoswerotiburana kumatuhwino zvichidhigidha. Ngoma dzemafaro nedzekupira midzimu dzinodandaurwa.

Mumwaka uyu ndimo munonaya mvura yeBumharutsva. Nemhaka yekuti mabasa anenge ave mashoma, ndipo panowana vanhu mikana yekushanyirana.

Vaya vanenge vasina kupedza kushanyura muminda yavo muChando, vanobva vapedzisa.

Basa rinenge rasara ndere kusosera mapindu kudzivirira mbudzi nemombe dzinenge dzisisafudzwe.

Share This:

Sponsored Links