Mamiriro enhabvu yeZim

12 Mar, 2020 - 15:03 0 Views
Mamiriro enhabvu yeZim Peter Ndlovu

Kwayedza

Abel Ndooka

Kubva nyika ino yawana kuzvitonga zvizere mugore ra1980, vatambi vazhinji venhabvu vakawana mukana wekunotambira kunyika dziri kuEurope nekumwe kwakasiyana kana zvichienzaniswa neapo Zimbabwe yaive isati yawana rusununguko.

Pari zvino vatambi vanodarika 23 vari kutambira nhabvu yavo kuzvikwata zvakasiyana zvekuEurope kunyika dzinoti England, France, Spain, Slovakia, Germany, Czech Republic, Croatia, Norway neTurkey. Asi Zimbabwe isati yawana kuzvitonga kuzere, Freddy Mukwesha — uyo aitambira Dynamos — ndiye akaita wekutanga kuenda kuEurope apo akanotambira chikwata cheSporting Braga chekuPortugal. Nerimwe divi, Zimbabwe ichiwana kuzvitonga zvizere, Bruce “Jungleman” Grobbelaar ndiye akaita wekutanga kutambira kuEurope apo aitambira chikwata cheCrewe Alexandra mumwaka wa1979-1980 nechikwereti kubva kuVancouver Whitecaps yekuCanada.

Grobbelaar akazoita mukurumbira gore raitevera apo akatengwa neLiverpool akatambira chikwata ichi kusvika muna1994.

Akahwina mikombe yakawanda inosanganisira UEFA Champions League, FA Cup (3), League Cup (3), FA Charity Shield (4) neFootball League Super league (1).

Moses “Razorman” Chunga akazoita wechipiri kubva muZimbabwe kuenda kuEurope mugore ra1987 apo akatengwa nechikwata chekuBelgium cheEendracht Aalast achibva kuDynamos FC.

Chunga pavatambi vese kubva muZimbabwe ndiye ane nhorowondo yekuita mutambi wekutanga akatambira nhabvu muPremier Soccer League achibva ananga kuEurope asina kumbobvira aenda kune zvimwe zvikwata.

Bambo, sezita rake remadunhurirwa, akambopotsa atengwa neNottingham Forest yekuEngland asi mukana uyu wakazoramba kubuda zvichinzi akatadza kuterera apo aienda kunozama raki rake. Akabva ndokuenda  Eendracht Aalast uko akanogadzira zita rake zvekuti nanhasi achiri kupihwa ruremekedzo rukuru ikoko.

Vatambi vemuZimbabwe vari kutambira kuEurope parizvino vanosanganisira Marvelous Nakamba uyo ari kuAston Villa kuEngland. Nakamba akwanisa kutambira zvikwata zvinoti Vitesse yekuNetherlands, Club Brugge nekuBelgium uye neNancy yekuFrance.

KuEngland ndiko kune vamwe vatambi vanosanganisira Tendayi Darikwa uyo anotambira Nottingham Forest. Darikwa akazvarirwa kunyika iyi akakurira ikoko.

Koti kaputeni wemaWarriors, Knowledge Musona iye zvino ari kutambira chikwata cheEupene chekuBelgium nechikwereti kubva kuAnderlecht. Musona akwanisa kutambira zvikwata zvizhinji zvemuEurope izvo zvakambomuona achitambira kuGermany kuzvikwata zve1899 Hoffenheim neAugsburg achizoenda kuBelgium uko akatambira KV Oostende, Anderlecht, Lokeren neEupene yaari kutambira.

KuFrance kune vatambi vaviri Marshall Munetsi uyo ari kuReims muFrench Ligue naTino Kadewere anotambira Le Havre uko ari kuzunza mambure zvisina mukare akamboona.   Mwaka unotevera Kadewere achange achitambira Olympique Lyon iyo yakabhadhara mari zhinji kutenga mutambi uyu ndokumudzosera kuLe Havre nechikwereti kusvika mwaka wegore rino wapera.

KuTurkey kuna Teenage Hadebe uyo ari mumwaka wake wekutanga achitambira Yeni Malatyaspor uko akaenda achibva Kaizer Chiefs yekuSouth Africa.

Kozoti kuCzech Republic, Costa Nhamoinesu ari mumwaka wake wechinomwe kuchikwata cheSpart Praha uko akaenda achibva Zaglebie Lubin yekuPoland.

Zvakadai, vamwe vatambi vemuno vakatambira kuEurope kare ndiWillard Mashinkila Khumalo, Madinda Ndlovu naTito Paketh.

Vatatu ava vaitambira Highlanders vese vakaenda kuGermany mugore ra1989 kuchikwata cheEmsdetten 05 ndokuita vekutanga kubva muno kunotambira nhabvu yavo kunyika iyi.

Mugore ra1991, Peter Ndlovu akabva aita wechitatu apo akatengwa neCoventry City yekuEngland achibva kuHighlanders achiri nemakore 18 ekuberekwa.

Nsukuzonke, sezita raNdlovu remadunhurirwa, akazotambira zvikwata zvakawanda zvekuEngland zvinosanganisira Birmingham City, Huddersfield Town neSheffield United uye aizivikanwa achizunza mambure.

Gore rimwechetewo iri, Agent ‘Ajira’ Sawu akabva kuZimbabwe Saints akaenda kuCypus kunotambira APOP Kinyras Peyias kunyangwe hake asina kunyanyogara.

  Ajira akazonyanyoita mukurumbira paakaenda kuSwitzerland uko akanotambira zvikwata zvinoti SC Kriens, FC Lucerne, Young Boys, FC Basel neFC Wil achizobva achienda kuChina.

Gore raitevera 1992, aimbove mutambi weZimbabwe Saints, Henry Bull Mckop akateverawo kuGermany achienda kuchikwata cheBonner SC.   Achibva kuGermany, akananga kuEngland achinotambira Bristol City akazoenda kuShelbourne kuIreland uye akatambira kuAustria zvekare.

Aimbove murairidzi wemaWarriors neFC Platinum, Norman Mapeza mugore ra1993 ndipo paakatanga kuenda kuEurope nekuenda kuPoland uko akanotambira chikwata cheSokol Pniew.

Muchina wemajuzi akazonyanya kuita mukurumbira kutanga gore raitevera apo akatengwa nechikwata cheGalatasaray chekuTurkey ndokuita mutambi wemuno wekutanga kutambira kunyika iyi.

Mapeza akazotambira zvikwata zvakawanda zvekunyika iyi kusvika gore ra2003 apo paakazodzoka kumusha achisvika achitambira CAPS United.

Share This:

Sponsored Links