Mamonya anzi agare muchizarira

19 Jan, 2023 - 22:01 0 Views
Mamonya anzi agare muchizarira Gideon Sanyangore (kuruboshwe) naBlessing Kumunda

Kwayedza

Mathew Masinge

MAMONYA Gideon Sanyangore naBlessing Kumunda vakanyimwa bhera nemutongi wedare guru reHigh Court nemusi weChitatu svondo rino.

Vaviri ava, avo vari kupomerwa mhosva yekuda kuponda, vakaenda kuHigh Court vachikumbira bhera mushure mekunge mutongi wedare reHarare Migistrates’ Courts, VaStanford Mambanje, vavanyima bhera.

Sanyangore (32) naKumunda (36) vari muchitokisi kubva nemusi wa30 Zvita.

Vakasvitsa chikumbiro chavo kune mutongi wedare guru iri, Justice Munamato Mutevedzi, avo vakarasa nyaya iyi mushure mekunge gweta ravo risina kuenda kudare.

Muchuchisi anoti hapana mashoko akabva kugweta revasungwa ava ekuti sei risina kuuya kudare ndokuti nyaya iyi inofanirwa kubviswa mudare iri.

Izvi zvinoreva kuti mamonya aya, ayo anonzi ane mukurumbira wekushungurudza vanhu, anofanirwa kutanga kukumbira bhera patsva.

Vaviri ava vakasungwa zvichitevera kuchema-chema kwakaita veruzhinji mushure mekunge patenderera vhidhiyo iyo vairova vanhu uye vachishandisa banga iro rinonzi vakabaya naro rimwe mhonya mawoko ake kuPabloz Night Club iri kuBorrowdale, muHarare munaZvita.

Blessing Kumunda

Zvichitevera kurwisana kwavakaita nevanhu kuPabloz, mapuromota emimhanzi akati wandei, varidzi vemabhawa nevanhu vanozvifarirawo vakanyunyuta nehunhu hwevaviri ava.

Mune imwe vhidhiyo, Sanyangore anodira mumwe murume doro kumeso, ndokumurova mbama yakasimba asina kumbodenhwa kunzvimbo yeMashwede, kuGlen View.

Gideon Sanyangore

Vaviri ava vari kutarisana nemhosva dzakawanda dzekurova vanhu nekuita mhirizhonga paruzhinji panzvimbo dzemafaro apo vanonzi vaitora mari inobhadharwa nevanhu pakupinda pagedhi nechisimba.

Zvinonzi vaitora mari iyi vachiisa muhomwe uye vofamba vachizvirova matundundu kuti hapana zvavanoitwa.

Sanyangore naKumunda vari kutarisirwa kudzoka mudare nemusi wa31 Ndira.

Share This:

Sponsored Links