Mamwe mabasa anoitwa nengano

28 Dec, 2018 - 00:12 0 Views

Kwayedza

Munyaradzi Gunduza
NGANO mutambo waitambwa pakati pasarungano navateereri. Chimwe chinangwa chengano chaive chekutandadza vateereri sezvo makare kare kwainge kusina midziyo yakawanda yakaita samawairesi, zvivhitivhiti, nhare nemakombiyuta zvave kushandiswa mazuva ano mukuvaraidza vanhu, kunyanya munguva dzehusiku.

Mamwe emabasa makuru aiitwa nengano muupenyu hwaVaShona ndeanotevera:

(a) Kudzidzisa vana tsika dzakanaka – ngano dzaivepo kudzidzisa vana tsika namagariro akanaka akaita sekuremekedza vakuru, kuchengetedza muko, zvierwa nezvimwewo.

(b) Kutandadza – vana vaitandara kuburikidza nokuteerera ngano kuna sarungano sezvo mungano maive nemutauro unonakidza.

(c) Kudzidzisa vana kuimba – ngano dzaidzidzisa vana kuimba kuti vazovewo tsuri dzamangwana sezvo vaShona vaiimba pakupira midzimu, kushanda mabasa akaita senhimbe pamwe nemunzvimbo dzakasiyana-siyana.

(d) Kudzidzisa vana unyanzvi hwokutaura mazwi matsva pamwe nemutauro wakapfuma – zvaiita kuti vana vakwanise kuziva mutauro waienderana netsika nemagariro evaShona.

(e) Kupa vana unyanzvi hwekuteerera nokurangarira – ngano dzaive nebasa rokupa vana ruzivo rwezveupenyu zvinove zvaivaumba kuti vakwanise kuteerera, uye kurangarira zvavaidzidziswa. Kare vaShona vainge vasati vave neunyanzvi hwekunyora pasi, saka vana vaifanira kugona kuteerera, uye kutsanangura zvavainge vanzwa kuitira kuti vazopawo ruzivo irworwo kuvana vavo, zvichingodaro. Izvi zvaigonekwa chete kana mwana ari nyanzvi pakuteerera, uye kurangarira zvaaidzidziswa.

(f) Kudzidzisa vana kugona kurondedzera – unyanzvi hwekurondedzera zvinhu hwainge hwakakosha kuVaShona, saka vana vaifanira kukura vachigona kurondedzera ndosaka sarungano aizovapawo mukana wokumbotaura ngano dzavainge vakanzwa kuti vadzidzire kurondedzera mafambiro ezvinhu.

(g) Kurodza pfungwa – ngano dzaive nebasa guru rokurodza njere dzavana kuti vakure vari vanhu vane unyanzvi hwekuongorora zvinhu vachigona kubudisa zvakanakira, uye zvakaipira zviitiko zvakasiyana-siyana zveupenyu zvaizovabatsira kugadzirisa matambudziko avaisangana nawo muupenyu.

(h) Kuchengetedza nhoroondo dzamadzinza – kuburikidza nengano vanhu vaikwanisa kuchengetedza nhoroondo yavo, uye vachiziva kuti vakabva kupi, uye vachienda kupi. Izvi zvaibatsira kuchengetedza tsika namagariro avanhu.

(i) Kubatanidza vanhu munharaunda – ngano dzaibatsira kubatanidza vanhu munharaunda sezvo dzaidzidzisa zvinodiwa neruzhinji zvakaita semushandirapamwe, kusatarisirana pasi, kushanda nesimba, uye kudya zvaunenge washandira, kwete kuita undyire.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey