Mamwe mabikirwo ebhinzi

23 Jul, 2020 - 00:07 0 Views
Mamwe mabikirwo ebhinzi Bhinzi kudya kunovaka muviri

Kwayedza

BHINZI kudya kune utano uye kune mapuroteni zvekare riri nyore kubika.

Svondo rino tiri kukaringirwa bhinzi naTatenda Saizi wekuMarondera.

Zvinodiwa:

Bhinzi rakaomeswa, hanyanisi, matomatisi, munyu, mafuta nemvura yakachena.

Mabikiro:

Rara wakanyika bhinzi mumvura kuti ripfave rigokasika kuibva uye kuchengetedza magetsi, huni kana gasi.

Nyurura bhinzi mumvura woisa muchikari chine mvura yakawanda.

Kwatisa kusvika raibva uchiwedzera mvura.

Kana raibva, tora pani uise mafuta akaringana.

Chekerera hanyanisi wokanga, wozochekerera matomatisi kuti ugadzire muto.

Runga nemunyu wakaringana wozoisa bhinzi imomo.

Pindura zvisangane udzisiye muto wakakora.

Bhinzi rinodyiwa nesadza rezviyo, remhunga, remapfunde kana nemupunga. Vamwe vanonwisa svutugadzike.

Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachirongwa chino panhare dzinoti +263 713 411 281.

Share This:

Sponsored Links