Mamwe mabikirwo ekabichi

07 Dec, 2018 - 00:12 0 Views
Mamwe mabikirwo ekabichi

Kwayedza

MURIWO wekabichi unonaka zvikuru kana ukabikwa zvemhando yepamusoro uye unorera mhuri sezvo musoro mumwe wekabichi munopedza mazuva muchingodya.

Svondo rino, Rufaro Cosmas Mudereri wekwaImbwanhema, kwaMusana, kuBindura, anotsanangudza mamwe mabikirwo ekabichi.

Zvinodiwa:

Poto, chikari kana pani, muriwo wekabichi, hanyanisi, matomatisi, mafuta nemunyu.

Mabikiro:

Cheka kabichi kuita zvidimbu zvakanaka wogadza chikari pamoto.

Isa zvipunu zviviri zvemafuta, kana apisa chiisa muriwo imomo. Kanga kwemaminitsi gumi nemashanu, wozoisa hanyanisi nematomatisi.

Ramba uchikanga kwemaminitsi masere wozoisa mvura shoma yekutsvaga muto nemunyu mushoma.

Raidza kuti zvaringana here wobura.

Munogona kudya nesadza remhunga, rechibage kana rezviyo.

Share This:

Sponsored Links