Mamwe mabikirwo emasamusa

26 Apr, 2019 - 00:04 0 Views
Mamwe mabikirwo emasamusa

Kwayedza

MASAMUSA kudya kwakanaka zvikuru uko kunofarirwa nevanhu vakawanda, kunyanya avo vanenge vari parwendo sezvo achigara kwenguva refu asati ashisha.

Kune mhando dzemasamusa dzakasiyana dzinogona kubhekwa munhu achiisa humwe hudobi-dobi hwakaita senyama, minzi, mbatatisi kana makerotsi.

Svondo rino Talent Ncube wekuBulawayo anorondedzera mamwe mabikirwo emasamusa.

Zvinodiwa:

Furawa, munyu, mafuta, mbatatisi, makerotsi, pizi, nyama, hanyanisi, muto wemaremani (lemon juice) nemasipaisi (spices).

Mabhekero:

Kanya furawa woisa munyu nemuto wemaremani.

Isa mvura shomanana pakukanya kuitira kuti furawa isare yakakora ichiumbika.

Chikanga hanyanisi dzitsvukire wozodzisanganisa nembatatisi dzaunenge wabika padivi kana nenyama.

Umba furawa uchiita zvibhora.

Chipwanya zvibhora izvozvo neruwoko rwakachena uye rwakazorwa mafuta uchipeta sezvaunoda pamwe nekuisa minzi, pizi, makerotsi kana mbatatisi pakati.

Wozodii?

Isa mafuta mupani wosiya kuti apise.

Chikanda masamusa woasiya kwemaminitsi gumi.

Ita izvi nemoto wakaderera kuti aibve pamwe nezviri mukati.

Kana uine chitofu chine hovheni, unogona kuisa imomo.

Kana atsvukira, pindura kuti mativi ose aibve.

Chibura unyautse mukanwa!

Masamusa anogona kudyiwa uchinwa nesvutugadzike kana nezvimwe zvinwiwa kana kuti uchinyika mumuto.

. Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachirongwa chino panhamba dzinoti +263 713 411 281

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>